Chii Chinoita Kuti Tiparidze?
1. Ushumiri hwedu hunobatana papi nerudo?
1 Kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ndiro basa rinokosha zvikuru kupfuura mamwe ose atingaita mazuva ano. Zvechokwadi, patinoita basa iri tinoratidza kuti tinoteerera mirayiro miviri mikuru pane yose, yokuda Jehovha uye muvakidzani wedu. (Mako 12:29-31) Rudo ndirwo chinhu chikuru chinoita kuti tive vashumiri vanoshingaira.—1 Joh. 5:3.
2. Kuparidza kwatinoita kunoratidza sei kuti tinoda Jehovha?
2 Kuda Jehovha: Kuda Shamwari yedu yepamwoyo Jehovha, kunoita kuti titaure tichimumiririra. Ave achicherwa naSatani kwemakore anenge 6 000. (2 VaK. 4:3, 4) Saka vanhu vanodavira kuti Mwari anotambudza vatadzi mugehena, kuti iye Utatu husinganzwisisiki, uye haana hanya nevanhu. Vakawanda vakatozopedzisira vati hakuna Mwari. Tinoda chaizvo kuti vanhu vazive chokwadi nezvaBaba vedu vokudenga! Kushanda kwatinoita nesimba kuti tive zvapupu zvaMwari kunomufadza zvikuru uye kunogumbura Satani.—Zvir. 27:11; VaH. 13:15, 16.
3. Ushumiri hwedu hunoratidza sei kuti tinoda muvakidzani?
3 Kuda Muvakidzani: Pose patinoparidzira mumwe munhu, tinoratidza kuti tinomuda. Vanhu vanoda chaizvo kunzwa mashoko akanaka munguva dzino dzakaoma. Vakawanda vakangofanana nevaNinivhi vomunguva yaJona vakanga “vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo.” (Jona 4:11) Mashoko atinoparidza anodzidzisa vanhu kuti vararame upenyu hwakanaka, hunofadza. (Isa. 48:17-19) Anovapa tariro. (VaR. 15:4) Kana vakateerera voita maererano nezvavanenge vadzidza, ‘vachaponeswa.’—VaR. 10:13, 14.
4. Jehovha haazombokanganwi chii?
4 Vana vakanaka havangoratidzi rudo kuvabereki vavo panguva dzakarongwa chete. Vanoedza kuvada nguva dzose. Saizvozvowo, kuda Mwari nemuvakidzani kuchaita kuti tigare takagadzirira kushandisa mikana yokuparidza nguva dzose, kwete panguva dzakarongwa chete. Tichaparidza tisingaregi. (Mab. 5:42) Jehovha haazombokanganwi rudo rwakadaro.—VaH. 6:10.