Tinoparidza Nguva Dzose
1. Tinoziva sei kuti vaevhangeri vemuzana remakore rokutanga vaiparidza nguva dzose?
1 Vaevhangeri vaishingaira vemuzana remakore rokutanga vakazivisa mashoko akanaka kwose kwaiwanikwa vanhu “vasingaregi.” (Mab. 5:42) Saka zviri pachena kuti pavaiparidza paimba neimba vaiparidzirawo vanhu vavaisangana navo mumugwagwa. Uye vakanga vasingasiyi mikana yokuparidza zvisina kurongwa pavaienda kumisika kunotenga pashure pokunge vaparidza. Kungofanana naJesu, vaiparidza nguva dzose.—Mako 6:31-34.
2. Kurarama zvinoenderana nezita redu kunosanganisirei?
2 Tinofanira Kugara Tagadzirira Kuparidza: Zita redu rokuti Zvapupu zvaJehovha haringoratidzi chete basa ratinoita, asi kuti rinoratidzawo zvatiri. (Isa. 43:10-12) Saka tinogara takagadzirira kudzivirira tariro yedu, kunyange patinenge tisiri kuparidza paimba neimba. (1 Pet. 3:15) Unomboedza here kufungidzira uchiwana mukana wokuparidzira zvisina kurongwa wobva wafunga kuti zvii zvaungazotaura? Unogara une mabhuku here kuitira kuzopa vaya vanenge vafarira? (Zvir. 21:5) Unongogumira pakuparidza paimba neimba here kana kuti unoudza vanhu nezveShoko roUmambo pose paunowana mukana?
3. Nei tisingafaniri kurerutsa kuparidza kwatinoita mumugwagwa, panopakwa motokari, nzvimbo dzebhizimisi nedzimwewo nzvimbo?
3 Kuparidza “Pachena”: Tinoparidza mumigwagwa, panopakwa motokari, nzvimbo dzebhizimisi nedzimwewo nzvimbo. Asi nzira idzi dzokuparidza dzinganzi hadzikoshi here? Muapostora Pauro akati akaparidza “pachena” uye paimba neimba. (Mab. 20:20) Kuparidza paimba neimba inzira inokosha uye inonyatsoshanda pakuita kuti Shoko roUmambo risvike kune vanhu. Muzana remakore rokutanga, vaevhangeri vaitsvaka vanhu kwete dzimba. Vaishandisa mikana yose yavaiwana kuti vataure chokwadi cheShoko raMwari pachena, zvisina kurongwa kana kuti paimba neimba. Dai tikavawo nemafungiro akadaro kuti tinyatsoita ushumiri hwedu zvizere.—2 Tim. 4:5.