Purogiramu Yevhiki yaApril 18
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 18
Rwiyo 17 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 2 ¶16-23 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Jobho 28-32 (10 min.)
Nha. 1: Jobho 30:1-23 (4 min. kana asingasviki)
Nha. 2: Kana Mumwe Munhu Akati: “Hamutendi Muna Jesu”—rs-CA p. 103 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: Nei Tichifanira Kufunga Tisati Tataura?—Zvir. 16:23 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Vamwe Pavanoda Kutsanangurirwa. Hurukuro inobva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 177, ndima 2 kusvika panoperera peji 178. Ivai nemuenzaniso mupfupi unoratidza munhu asingatendi achibvunza chapupu chaanoshanda nacho nezvezvatinotenda. Muparidzi wacho anotanga kutaura oga zviri mupfungwa dzake achironga kuti achapindura sei uye anobva apindura mubvunzo wacho.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Kukurukurirana kunoitiswa nemukuru.
10 min: Nzira Dzokuparidza Nadzo Mashoko Akanaka—Paimba Neimba. Kukurukurirana kubva mubhuku raTakarongwa peji 92, ndima 3, kusvika papeji 95, ndima 2. Bvunzai muparidzi mumwe kana vaviri vanoparidza paimba neimba pasinei nezvipingamupinyi zvakadai seutano husina kunyatsoti tsvikiti kana kunyara. Zvavanoedza kuita zvave zvichikomborerwa sei?
Rwiyo 26 Nemunyengetero