Purogiramu Yevhiki yaDecember 13
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 13
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 14 ¶17-21, bhokisi riri pap. 149
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 15-19
Nha. 1: 2 Makoronike 15:8-19
Nha. 2: Kana Mumwe Munhu Akati: “VaKristu Vanofanira Kuva Zvapupu zvaJesu, Kwete zvaJehovha” (rs-CA p. 421 ¶4)
Nha. 3: Tingaratidza Sei Chiremerera Pakunamata Jehovha?
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso. Kurudzirai vose kuti vauye neNharireyomurindi yaJanuary 1, 2011 kuMusangano Webasa wevhiki inotevera.
15 min: Chikoro chaMwari Choushumiri chegore ra2011. Hurukuro inopiwa nemutariri wechikoro. Kurukurai pfungwa dzinofanira kusimbiswa muungano yenyu kubva papurogiramu ya2011. Taurai nezvebasa remupi wezano wechipiri. Kurudzirai vose kuti vashande nesimba pane zvavanenge vakumbirwa kuti vaite, papfungwa huru dzemuBhaibheri, uye kushandisa mazano avanopiwa vhiki yoga yoga kubva mubhuku reChikoro Choushumiri.
15 min: “Rishandise Nguva Dzose.” Mibvunzo nemhinduro. Enzanisirai kushandisa kungaitwa zano rimwe chete kana kuti maviri.