Purogiramu Yevhiki yaDecember 21
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 21
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
lv-CA chits. 14 ¶10-14, bhokisi riri pamap. 164-165, mashoko okuwedzera ari pamap. 222-223
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Joshua 9-11
Nha. 1: Joshua 9:1-15
Nha. 2: Mazivire Atingaita Kuti Amagedhoni Yava Pedyo (lr-CA chits. 47)
Nha. 3: Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi (lr-CA chits. 48)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Gadzirira Kugovera Nharireyomurindi neAwake! Ivai nemuenzaniso unoratidza mutariri weboka achiudza muparidzi wechiduku mharidzo yake, mubvunzo nemagwaro zvaachashandisa uye achitsanangura chaita kuti asarudze mharidzo yacho. Muparidzi wacho wechiduku anotsanangura kuti ane mharidzo yaanga achifunga nezvayo asi anoda kubatsirwa kuinatsiridza. Vachishandisa nyaya yaanga achifunga nezvayo, vanotsvaka mubvunzo uye vanosarudza magwaro aachashandisa.
15 min: “Ipa Vadzidzi Vako ‘Mweya Wako.’” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Makurukura ndima 2, bvunzai muparidzi nezvenzira dzinoshanda dzaanoedza kuratidza nadzo kufarira kwaanoita vadzidzi vake. Zvave zvichiguma nei? Uyewo bvunzai muparidzi akabatsirwa nekufarirwa kwaakaita nemunhu aimudzidzisa Bhaibheri.