RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/09 p. 2
  • Kupupurira Norunhare Kunogona Kubudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupurira Norunhare Kunogona Kubudirira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kupupura Norunhare Kunobudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kutanga Kudzidza Bhaibheri Nomunhu Pasuo uye Parunhare
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kutsvaka Vakafanira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Nefoni
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 10/09 p. 2

Kupupurira Norunhare Kunogona Kubudirira

1. Nei tingafunga nezvokuti kupupurira norunhare inzira inokosha youshumiri hwedu?

1 Nei tingafunga nezvokushandisa runhare kuti tipupurire muushumiri hwedu? Nokuti ndeimwe nzira yokubatsira nayo vamwe kuti vawane zivo yakarurama inoita kuti vaponeswe. (2 Pet. 3:9) Kunyange zvazvo nzira huru yatinoshandisa kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari iri yokuparidza paimba neimba, nechido tinoshandisa dzimwe nzira dzokuti tikurukure nevaya vangasawanika pamba.—Mat. 24:14; Ruka 10:1-7; Zvak. 14:6.

2. Kupupurira norunhare kunorongwa sei?

2 Kurongwa Kwakungaitwa: Kufanana nourongwa hwebasa repaimba neimba, vaparidzi vanopiwawo ndima yokuti vapupurire norunhare. Munhu angapupura ari oga kana kuti zvingaitwa nevanhu vaviri kana kuti vatatu. Nzvimbo inoshandiswa inofanira kuva yakanakira basa racho. Vakawanda vanoona zvichibatsira kuti vave netafura vogara pasi, zvinhu zvavanowanzoshandisa pavanenge vachiparidza paimba neimba zviri pamberi pavo chaipo.

3. Tinofanira kufunga nezvechii patinenge tichipupurira norunhare?

3 Kupupurira Kwatingaita Norunhare: Patinenge tichipupurira norunhare, tinofanira kuita zvokukurukura nemunhu wacho. Vamwe vari kutanga kupupurira norunhare vangaverengera saimba mharidzo yavo asi vachiita sokuti vari kukurukura naye. Sumo dziri mubhuku raKurangarira, Ushumiri Hwedu hwoUmambo, uye turakiti rinonzi Ungada Here Kuziva Chokwadi? dzingabatsira pakuita kudaro. Paunozvigadzirira sumo yako, sarudza zvaunoda kutaura nezvazvo, mubvunzo waunoda kubvunza saimba, wogadzirira kuverenga magwaro mashomanana anopindura mubvunzo wacho. Kakawanda waizogovera mabhuku anenge achigoverwa paimba neimba. Funga nezvezviyeuchidzo zvinotevera: Taura wakadekara uye zvishoma nezvishoma. Iva netsika dzakanaka, shivirira, uye iva noushamwari nokuti munhu angazvibata parunhare kuti ndizvo zvauri. Teerera saimba sezvaanotaura zvaanofunga, wobva wabvuma woonga zvaataura.

4. Kupupurira norunhare kungaita kuti tikwanise kuitei nendima yedu yatakapiwa?

4 Munhu waungataura naye parunhare angava asingakwanisi kubva pamba kana kuti angava munhu ane basa rinoita kuti zviome kumuwana patinoita ushumiri hwepaimba neimba. Kune vamwe vanogara munzvimbo dzine magedhi anochengetedzwa kana kuti muzvivako zvisingabvumirwi munhu wese wese. Saka, uchivavarira kunyatsoita ushumiri hwedu zvizere, funga nezvokushandisa nzira inobudirira yokupupurira norunhare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe