Purogramu Yevhiki yaOctober 26
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 26
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
lv-CA mashoko okuwedzera ari pamap. 219-221
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 11-13
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Gadzirira Kugovera Nharireyomurindi neAwake! Hurukuro. Taurai zviri mumagazini ari kushandiswa, uye ratidzai nyaya dzingafarirwa mundima yenyu. Enzanisiraiwo mubereki achibatsira mwana kugadzirira ushumiri. Mubereki wacho nemwana vanosarudza nyaya imwe chete, vofunga mubvunzo wavangabvunza saimba, uye vosarudza rugwaro rwokuzoshandisa. Zvadaro mwana wacho anoenzanisira mharidzo yake.
10 min: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kukurukurirana nevateereri. Kumbirai kuti vateereri vataure zvitsauko zviri mubhuku racho zvavakakwanisa kushandisa zvinobudirira mundima yenyu. Pavaisuma bhuku racho, mubvunzo upi, pikicha kana kuti rugwaro zvavakashandisa? Itai kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.
10 min: Bhokisi Remubvunzo. Kukurukurirana nevateereri. Verengai uye kurukurai magwaro ari mubhokisi racho.