Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi August 1
“Vakawanda vanofunga kuti vanhu vose vakanaka vachaenda kudenga. Imi ndizvo zvamunotenda here? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa nevhesi iyi nezvenyika. [Verenga Pisarema 37:11, 29.] Nyaya ino inoratidza zvakadzidziswa naJesu nezveramangwana revanhu panyika pano.” Muratidze nyaya inotangira papeji 22.
Awake! August
“Zvinhu zvishoma muupenyu zvinorwadza kupfuura kufirwa nomubereki. Munobvumirana nazvo here? [Rega apindure.] Vakawanda vakanyaradzwa nendima dzeBhaibheri dzakaita seino. [Verenga Zvakazarurwa 21:4.] Nyaya ino inotsanangura kuti tingaita sei nokuvhiringidzika kwakanyanya kunovapo, kunyanya kune vechiduku.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi September 1
“Vamwe vanoti kana wakatendeka kuna Mwari, anokukomborera nepfuma uye kuva murombo kunoratidza kusafarirwa naMwari. Munofungei? [Rega apindure.] Zvinonakidza ndezvokuti Jesu akanga asiri mupfumi. [Verenga Ruka 9:58.] Magazini ino inokurukura zvikomborero izvo vashumiri vaMwari vangatarisira kuwana.”
Awake! September
“Munofunga kuti vanhu vaduku vane matambudziko akawanda kupfuura kare here? [Rega apindure.] Vakawanda vanofunga kuti vhesi ino inotsanangura zvakarurama nguva yedu yazvino. [Verenga 2 Timoti 3:1.] Magazini ino inotaura zvimwe zvinhu zvinoshanda zviri muBhaibheri zvingabatsira vabereki nevechiduku kuti vakunde.”