Purogramu Yevhiki yaAugust 24
VHIKI INOTANGA NAAUGUST 24
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
lv-CA chits. 9 ¶1-12, bhokisi riri pap. 101
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Numeri 14-16
Nha. 1: Numeri 14:26-43
Nha. 2: Zvinorevei Kuda Mutemo waMwari? (Pis. 119:97)
Nha. 3: Kwokuwana Nyaradzo (lr-CA chits. 31)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Gadzirira Kugovera Nharireyomurindi yaSeptember 1 neAwake! yaSeptember. Taurai zvishoma zviri mumagazini acho. Bvunzai vateereri kuti mubvunzo upi norugwaro zvavanoronga kushandisa pakusuma magazini acho. Itai kuti mharidzo imwe chete kana kuti mbiri dzienzanisirwe.
20 min: “Tsunga Kupupurira Varume.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Makurukura ndima 9, bvunzai mukuru. Chii chakamubatsira kushandira kuva neropafadzo dzokushumira muungano? Akadzidziswa sei uye nani?