RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/09 p. 3
  • Rumbidzai Jehovha Zuva Roga Roga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rumbidzai Jehovha Zuva Roga Roga
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Yoruwa Inoita Kudana Kunonyandura!—Rumbidzai Jehovha Nomufaro Zuva Nezuva!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!
    Imbirai Jehovha
  • Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Vechiduku, Rumbidzai Jehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 7/09 p. 3

Rumbidzai Jehovha Zuva Roga Roga

1. Vashumiri vaMwari vanokurudzirwa kuitei, uye nei?

1 Mambo Dhavhidhi akataura kuti akanga akatsunga kurumbidza Jehovha “zuva rose,” nokusingaperi. (Pis. 145:2, 7, 21) Isuwo tine chikonzero chakanaka chokurumbidza Jehovha zuva roga roga.—Pis. 37:10; 145:14, 18; 2 Pet. 3:13.

2. Mhuri dzingarumbidza sei Jehovha zuva roga roga?

2 Kurumbidza Jehovha Tiri Kumba: Tine mabhuku anosimbisa anobatsira kukurukurirana nezvaMwari patinenge tichiita rugwaro rwezuva nezuva, patinenge tichinakidzwa neKunamata Kwemhuri, uye patinenge tichigadzirira misangano yeungano. Mhuri dzakawanda dzine tsika yokudya pamwe kanenge kamwe chete pazuva. Izvozvo zvinoita kuti dzikurukurirane dzisingamhanyi-mhanyi uye zvinodzipa mikana yokurumbidza Jehovha. Kukurukurirana kwakadaro kungaitwa nevabereki nevana vavo vakafaranuka kungava chinhu chinokosha chinobatsira pakurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEf. 6:4; Dheut. 6:5-7.

3. Mikana ipi yatinayo patinenge tine hama dzedu?

3 Kurumbidza Jehovha Tine Hama Dzedu: Patinenge tiri muushumiri kana kuti pamisangano yeungano, tinenge tine mikana yakanaka chaizvo yokurumbidza Jehovha tiri pamwe nevatinonamata navo. (Zvir. 15:30; VaF. 4:8; VaH. 13:15) Sezvo tose zvedu tichida Jehovha, patinenge tichitaura nevamwe zvinofanira kuva nyore kutaura kuonga kwatinoita kunaka kwaJehovha zvichibva pamwoyo.—Pis. 106:1.

4. Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu angakupa mukana wokurumbidza Jehovha?

4 Kurumbidza Jehovha Patinenge Tichitaura Nevasingatendi: Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu angasatibvumira kuita ushumiri zuva roga roga, kutaura kunyange nguva pfupi nevatinoshanda navo, vokuchikoro, nevamwe vanenge varipo nezvaJehovha uye zvinangwa zvake kungaita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vave netariro. (Pis. 27:14; 1 Pet. 3:15) Imwe hanzvadzi payaiva mundege yakaparidzira mumwe mukadzi aivamo uyo akanzwa anyaradzwa uye akurudzirwa zvikuru nezvaakanzwa zvokuti akapa hanzvadzi yacho kero yake nenhamba dzerunhare kuti hanzvadzi yacho izorambe ichikurukura naye. Nyika zvainotambura nedambudziko riri kuramba richikura uye mamiriro ezvinhu ari kuramba achiipa, vanhu vaJehovha vari kuramba vachiendesera vaya vanoda kuteerera “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.” Izvi zvinopa vamwe tariro zvoita kuti varumbidze Jehovha.—Isa. 52:7; VaR. 15:11.

5. Nei tichinzwa tichida kurumbidza Jehovha, uye izvozvo zvingaitei?

5 Jehovha anofanira kuva anofara chaizvo paanonzwa vashumiri vake vachimurumbidza zuva roga roga! Kufanana nezvinhu zvakasikwa zvatinoona zvakatipoteredza, isuwo tinogona kumurumbidza zuva roga roga tiri kudzimba dzedu, muungano, uye patinenge tichitaura nevamwe vasati vava kurumbidza Jehovha pamwe nesu.—Pis. 19:1-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe