Kuparidza Kunoita Kuti Tirambe Takasimba Pakunamata
1. Basa rokuparidza rinotibatsira sei?
1 Kubishaira mubasa rokuparidza kunogona kutisimbisa pakunamata uye kuwedzera mufaro wedu. Ichokwadi kuti chikonzero chedu chikuru chekuparidza ndechokuti tifadze Jehovha. Kunyange zvakadaro, patinoteerera murayiro ‘wokuparidza shoko’ tinokomborerwa naJehovha uye tinobatsirwa nedzimwe nzira. (2 Tim. 4:2; Isa. 48:17, 18) Asi kuparidza kungatisimbisa sei uye kungaita sei kuti tifare?
2. Ushumiri hunotisimbisa sei?
2 Tinosimbiswa Uye Tinokomborerwa: Kuparidza kunotikurudzira kufunga nezvezvikomborero zvoUmambo pane kufunga nezvematambudziko anhasi. (2 VaK. 4:18) Kutsanangura zvinodzidziswa neBhaibheri kunosimbisa kutenda kwedu muzvipikirwa zvaJehovha uye kunoita kuti tionge chokwadi. (Isa. 65:13, 14) Patinobatsira vamwe kuti vakure pakunamata kuti ‘vasava venyika,’ tinozvisimbisawo kuti tive vakaparadzana nenyika.—Joh. 17:14, 16; VaR. 12:2.
3. Ushumiri hwedu hunotibatsira sei kuva neunhu hwechiKristu?
3 Kuita basa roushumiri kunotibatsira kuti tive nounhu hwechiKristu. Somuenzaniso, kuedza kuva “zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose” kunotibatsira kuti tive vanozvininipisa zvikuru. (1 VaK. 9:19-23) Patinotaura nevaya ‘vanobatwa zvisina kunaka uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi,’ tinodzidza kuva netsitsi. (Mat. 9:36) Tinodzidza kutsungirira patinoramba tichiparidza pasinei nokusakendenga kwevanhu uye kushorwa. Kufara kwedu kunowedzera nokushandisa upenyu hwedu kuti tibatsire vamwe.—Mab. 20:35.
4. Unonzwa sei nezveushumiri hwako?
4 Chikomborero chaicho kuva neushumiri hunoita kuti Iye mumwe chete watinofanira kunamata akudzwe! Ushumiri hunotisimbisa. Hunoita kuti vaya ‘vanonyatsopupurira kwazvo mashoko akanaka’ vawane zvikomborero zvakawanda.—Mab. 20:24.