Kuyeuka Rudzikinuro Nokuonga
1, 2. Ndezvipi zvikonzero zvatiinazvo zvokuyeuka rudzikinuro nokuonga?
1 Vachiteerera murayiro waJesu, vaKristu mupasi rose vachaungana zuva ranyura musi woMugovera, March 22, 2008, kuti vachengete rufu rwaJesu Kristu. (Ruka 22:19; 1 VaK. 11:23-26) Tinonzwa tichida kudaro nokuti tinoonga zvikuru zvose zvakaitwa pazuva iroro makore 1 975 akapfuura. Jesu akatsvenesa zita raBaba vake nokuramba akatendeka paakafa zvinorwadza ari padanda rokutambudzikira achipindura zvakakwana kupomera kwaSatani.—Job. 1:11; Zvir. 27:11.
2 Ropa raJesu rakadeurwa rakaita kuti pave nesungano itsva, inoita kuti vanhu vasina kukwana vanzi vanakomana vaMwari vane tarisiro yokunotonga naKristu muUmambo hwake hwokudenga. (Jer. 31:31-34; Mako 14:24) Uyezve, Mwari akanyatsoratidza kuti anoda vanhu paakapa Mwanakomana wake waanoda zvikuru sechibayiro, sokutsanangura kwakaita Jesu pachake kuna Nikodhimo.—Joh. 3:16.
3. Vaya vachapinda Chirangaridzo vachabatsirwa sei?
3 Koka Vamwe: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary hwakati tinogona kunyora pasi vanhu vatinoziva ndokukoka mumwe nomumwe wavo. Wakatotanga kukoka vawakanyora pasi here? Uri kuronga here kuitawo mushandirapamwe uchatanga musi waMarch 1 wokukoka vanhu kuti vauye kuChirangaridzo? Vaya vachapinda vachanzwa mashoko omuMagwaro achavabatsira kuva nokutenda murudzikinuro, vopedzisira vawana upenyu husingaperi.—VaR. 10:17.
4. Nei tichifanira kukurumidza kusvika paChirangaridzo?
4 Vose vanokwanisa vanofanira kuronga kuti vakurumidze kusvika kuitira kuti vazogamuchira vaya vavakakoka vanenge vauya. Kuwanda kunenge kwakaita vanhu paChirangaridzo kunoita kuti tinyatsoona vanhu vatsva vanenge vauya nevamwe vanogara vachipinda misangano.
5. Ungagadzirira sei mwoyo wako nokuda kwezuva iri?
5 Gadzirira Mwoyo Wako: Mukabhuku keKuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2008 neKarenda ra2008 mune purogiramu inokosha yokuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo kunotanga musi waMarch 17. Kufunga nezvezviitiko zvinokosha zvakaitika pamazuva okupedzisira oupenyu hwaJesu pasi pano kuchakubatsira kugadzirira mwoyo wako pakuchengeta Chirangaridzo. (Ezra 7:10) Kufungisisa nhoroondo idzi dzomuBhaibheri tichinyengetera kuchadzamisa kuonga kwatinoita rudo rwaJehovha noMwanakomana wake nokutipa rudzikinuro.—Pis. 143:5.
6. Kuratidza kuti tinoonga rudzikinuro kuchatibatsira sei?
6 Chirangaridzo zvachinosvika, ngatinyatsogadzirira chiitiko ichi chinokosha tichibatsirawo vamwe. Kuyeuka rudzikinuro tichionga kuchasimbisa ukama hwedu naJehovha noMwanakomana wake. (2 VaK. 5:14, 15) Zvichaitawo kuti tide kuvatevedzera nokuratidza vamwe rudo rwokuzvibayira.—1 Joh. 4:11.