RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/08 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 11
  • Vhiki Inotanga naFebruary 18
  • Vhiki Inotanga naFebruary 25
  • Vhiki Inotanga naMarch 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 2/08 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naFebruary 11

Rwiyo 168

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye Awake! yaFebruary.

15 min: Ungakwanisa Kunoshumira Kunodiwa Vaparidzi Vakawanda Here? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaJuly 15, 2003, papeji 20. Taurawo zviri muna Takarongwa papeji 111, ndima 1, kusvika kupeji 112, ndima 1. Bvunza muchidimbu vakatamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Vakasangana nematambudziko api, uye vakaakurira sei? Vakawana zvikomborero zvipi?

20 min: Batsira Vatsva Kuti Vave Vashumiri Vanofambira Mberi. Wasuma kweisingapfuuri miniti imwe, kurukura nemibvunzo nemhinduro nyaya iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 2005, papeji 31, uchishandisa mibvunzo yokudzidza iripo. Makurukura ndima 18, iva nomuenzaniso unoratidza saimba achiramba kuparidzirwa nomuparidzi mutsva ari kushanda nomuparidzi agara nebasa. Muparidzi mutsva wacho anopindura zvisingagutsi saimba zvokuti anobva aramba kutaura navo. Vabva pamba pacho, muparidzi agara nebasa anorumbidza noushamwari mutsva wacho nezvaaedza kuita, obva amuratidza kuti angashandisa sei bhuku rinonzi Kurangarira kuti azopindura munhu anenge aramba kukurukura naye.

Rwiyo 50

Vhiki Inotanga naFebruary 18

Rwiyo 17

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

10 min: Zvinodiwa muungano.

25 min: “Uchapupu Hwokutenda!”a Inofanira kukurukurwa nomutariri webasa. Gumisa nokudzokorora zvakanaka zvakaitwa neungano mugore rebasa rakapfuura.

Rwiyo 194

Vhiki Inotanga naFebruary 25

Rwiyo 81

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaFebruary. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Enzanisira kushandiswa kungaitwa pepa rokukokera vanhu kuChirangaridzo kuti ukoke womumhuri mako kana kuti muvakidzani.

20 min: “Kuyeuka Rudzikinuro Nokuonga.”b Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zviri mumagwaro aripo.

15 min: Gadzirira Kugovera Magazini Epanguva Iyoyo. Kukurukurirana nevateereri. Wataura muchidimbu zviri muNharireyomurindi yaMarch 1 neAwake! yaMarch, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafadza vanhu vari mundima yenyu, uye nei. Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dziri munyaya dzavakaronga kuzokurukura. Mubvunzo upi ungabvunzwa kuti mutange kukurukurirana? Rugwaro rwupi ruri munyaya yacho rungazoverengwa? Uchishandisa mazano acho, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMarch 1 uye Awake! yaMarch.

Rwiyo 119

Vhiki Inotanga naMarch 3

Rwiyo 223

10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura pfungwa huru dziri mubhokisi rakanzi “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo.”

20 min: Ungatanga Kudzidza Bhaibheri Nomumwe Munhu muna March here? Kukurukura nevateereri. Muna March tichagovera Bhaibheri Rinombodzidzisei? nechinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Kurukura zvimwe zvinhu zvakanaka zviri mubhuku racho. Kurukura kuti ringagoverwa sei paunodzokera kunoshanyira munhu akafarira pawakamusiyira pepa rokumukoka kuChirangaridzo, paunodzokera kumunhu wawakagovera magazini, uye paunorigovera muushumiri hwepasuo nesuo kana March 22 apfuura. (Ona km-CA 8/07 p. 3; km-CA 3/06 p. 1, ndima 3; km-CA 1/06 map. 3-6.) Ita kuti mharidzo imwe kana kuti mbiri dzienzanisirwe.

15 min: Pindura Mibvunzo Uchishandisa Bhaibheri. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku reChikoro, mapeji 143-4. Ivawo nomuenzaniso womuparidzi ari kubvunzwa mubvunzo unowanzobvunzwa mundima yenyu obva ashandisa Bhaibheri kupindura.

Rwiyo 145

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe