Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2008
1. (a) Nei zano rakapiwa vaKristu vechiHebheru naPauro richikosha zvikuru mazuva ano? (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) (b) Mukana upi watichava nawo wokuti tishandise zano raPauro?
1 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuungana pamwe chete uye kuti vakurudzirane “kunyanya” sezvavaiona zuva richiswedera pedyo. (VaH. 10:24, 25) Pane uchapupu huri kuwedzera hwokuti “zuva” rakataurwa naPauro rava pedyo zvikuru! Nokudaro, tinotarisira zvikuru mikana yokuti tiungane nehama dzedu nehanzvadzi kuti tiwane mirayiridzo yokunamata inogona kutitungamirira ‘mumazuva ano okupedzisira’ ari kuwedzera kuipa. (2 Tim. 3:1) Mukana wakadaro tichauwana pamagungano eruwa ari kuuya a2008.
2. (a) Nei zvichikosha kupinda gungano mazuva ose ari matatu? (b) Tingatanga sei kugadzirira kuti tizopinda?
2 Pinda Mazuva Ose Ari Matatu: Tinokukurudzira kuti upinde mazuva ose ari matatu. Kana “tisingaregi kuungana kwedu,” hatizorasikirwi nezvokudya zvinokosha zvokunamata. (VaH. 10:25) Tanga kugadzirira nokukurumidza sezvaungagona. Ungada kuudza waunoshandira nokukurumidza kuti aronge basa rake. Kana vana vako vachizenge vari kuchikoro panguva ichaitwa gungano renyu, zivisa vadzidzisi vavo nezvourongwa hwako. Vazivise kuti gungano iri chimwe chezvinhu zvaunoita nguva dzose pakunamata. Iva nechokwadi chokuti Jehovha achakomborera zvaunoita pakutanga kutsvaka zvinhu zvine chokuita noUmambo.—Mat. 6:33.
3. Tingaratidza sei kuti tine hanya nevamwe?
3 Batsira Vamwe Kuti Vapinde: Pauro akakurudzirawo hama dzake kuti ‘dzirangarirane.’ (VaH. 10:24) Hama nehanzvadzi dziri muChidzidzo Chebhuku Cheungano chaunopinda dzinoda here kubatsirwa kuti dzipinde gungano? Unogona here kubatsira vaunodzidzisa Bhaibheri kuti vapinde newe kunyange kana vachingokwanisa kupinda zuva rimwe chete zvaro? Paunoudza hama dzako dzisinganamati nezvourongwa hwako hwegungano, vakoke kuti vapinde newe. Zvaunoita zvingaunza makomborero ausingatarisiri.
4. Tingaziva sei misi nenzvimbo dzemagungano eruwa?
4 Tingaziva Sei?: Gore roga roga vanhu vakawanda vanofonera hofisi yebazi vachibvunza kuti magungano achaitirwa kupi uye rini. Vanenge vose vanofona ihama nehanzvadzi dzakatogamuchira mashoko aya nechekare. Musati mafonera hofisi yebazi, tinokumbira kuti mutange maverenga wedzero ino yoUshumiri hwoUmambo.
5. Nei munhu wose achikurudzirwa kuti apinde gungano rakarongerwa ungano yake?
5 Hofisi yeBazi painoti ungano dzipinde gungano kwakati, inenge yakatofunga nezvenzvimbo yarichaitirwa. Tichifunga izvi tinokurudzira munhu wose kuti apinde gungano kwakanzi ungano yake iende. Nzvimbo dzakawanda kusanganisira Imba Yemagungano yomuHarare, dzine nhamba yevanhu vanokwana. Kana tikadarika nhamba iyoyo, tinotsvikinyidzana panzvimbo idzi kusanganisira kuzvimbudzi uye tinganetseka kuwana pokugara. Nokudaro tichaita kuti basa rematare emagungano rireruke nokupinda magungano kwatakanzi tipinde, pose pazvinoita. Tapota zivai kuti nemhaka yechikonzero ichi kazhinji zvakanaka kuti tisapinda rimwe gungano kunze kwekutoti paine zvakumanikidzai. Kuita maererano nezviri pamusoro apa kuchaongwa zvikuru uye kuchaita kuti zvinhu zviitike “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaK. 14:40.
6. Ndezvipi zvingaitwa nefomu rinonzi Special Needs Room Request?
6 Kuwana Pokugara: Kana muparidzi achida kubatsirwa kuwana pokugara, Dare Rebasa Reungano rinofanira kusarudza kana zvichiita kuti muparidzi wacho azadze fomu rinonzi Special Needs Room Request. Munyori asati atumira fomu reSpecial Needs racho kuDhipatimendi Repokugara regungano, mirayiridzo iri pafomu racho inofanira kuverengwa.
7. (a) Tingakudza sei Jehovha patinopinda magungano edu? (b) Vashandi vepahotera vakataurei nemhaka yokuzvibata kwehama dzedu?
7 Mabasa Akanaka: Kuteerera murayiro waJehovha wokuungana kuti tinamate kunoita kuti ‘tibatsirwe.’ Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti kunotipa mikana yokurumbidza zita raJehovha. (Isa. 48:17) “Mabasa [edu] akanaka anobuda pachena” kuvanhu vakawanda pamagungano eruwa, uye vamwe vakasvika pakutaura manzwiro avanoita. (1 Tim. 5:25) Mune rimwe guta rave richiitirwa magungano edu kwemakore akawanda, mumwe maneja wepahotera akati: “Vanhu vakawanda muguta vanotaura nezveZvapupu zvaJehovha uye kuti tinobatsirwa zvikuru pamunoita magungano enyu. Tinoziva kuchenesa kunoita vanhu venyu nzvimbo yekanzuru yamunenge muchishandisa, uye tinokuonai muchichenesa nzvimbo dzokupaka motokari. Tinofara kuva nemi. Tinovimba kuti ukama hwedu hucharamba huripo.” Mumwe maneja wepahotera akataura matambudziko avakava navo nevamwe vanhu uyewo nevaya vanovaraidza vanhu, akazotaura kuti hama dzedu dzaishivirira uye dzainzwisisa panguva yadzakagara pahotera. Akati: “Kudai vaeni vedu vose vakaita seZvapupu zvaJehovha!” Kuzvibata kwehama dzedu kwakaita kuti mashoko aya nemamwe akada kudaro ataurwe kunofadza mwoyo waMwari wedu, Jehovha!
8. Mateu 4:4 inoratidza sei kukosha kwokunyatsoteerera chikamu chimwe nechimwe chepurogiramu?
8 Jesu akati tinorarama nokuteerera “mashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:4) Pamagungano edu anoitwa gore negore, Jehovha anopa “zvokudya [zvokunamata] panguva yakakodzera” zvinogadzirwa no“muranda akatendeka.” (Mat. 24:45) Basa rakawanda rakaitwa pakugadzirira uye kuti tipiwe madyo aya ezvokunamata. Ngatiratidzei kuti tinoonga kutarisira kunoitwa naJehovha nokuvapo uye nokunyatsoteerera chikamu chimwe nechimwe chepurogiramu.
[Bhokisi riri papeji 3]
Nguva Dzepurogiramu:
Chishanu noMugovera
9:20 a.m. - 4:55 p.m.
Svondo
8:20 a.m. - 3:00 p.m.