RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/07 pp. 2-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 12/07 pp. 2-7

Zviziviso

Mabhuku achagoverwa muna December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Ungagoverawo Swedera Pedyo naJehovha kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. January 2008: Chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Ungano dzisina mabhuku iwayo dzingagovera Zivo (kana riripo) kana kuti Rambai Makarinda! February: Is There a Creator Who Cares About You? kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaSeptember, October, naNovember. Munhu mumwe chete iyeye haafaniri kushandiswa kanotevedzana pakuongorora akaunzi. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).

◼ Tapota onai kuti Chirangaridzo chegore ra2009 chichaitwa musi weChina, April 9, zuva ranyura. Chiziviso ichi chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dzihaye dzimba dzinowanikwa kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete uye kana zvimwe zvivako zvichifanira kuzotsvakwa. Muzviitiko zvakadaro, vakuru vanofanira kuita chibvumirano nevatarisiri venzvimbo yacho kuti pasazova nezvimwe zvinhu zvingaitwa muchivako chacho zvinovhiringidza, kuitira kuti Chirangaridzo chiitwe murugare uye zvakarongeka.

◼ Tinoda kukuzivisai dzimwe nhamba dzenhare dzokuBheteri: 2915185, 2910591 uye 2910900.

◼ Ungano dzingatanga kuodha Watchtower Library—2007. Iyi iodha chaiyo. Ndeye vaparidzi veungano uye inongoodhwa nokuungano. Haisi yokugovera muushumiri kana kuti kupa vaya vanenge varatidza kufarira Zvapupu zvaJehovha. Odha dzeya2006 dzichachinjwa kuti dzive dzeWatchtower Library—2007. Ichawanikwa muchiChinese, chiChinese (Chakapfava), Chirungu, French, nechiPutukezi. Tapota onai kuti cdly07-CH ichasanganisira purogiramu yecdly07 muchiChinese (Chakapfava), Chirungu, French, nechiPutukezi.

◼ Tapota zivai kuti bhuku reMabhii Makuru reKuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2008—(eslp08) chinhu cheodha chaiyo, nokudaro harizotumirwi sezvinoitwa remabhii maduku; ungano dzinofanira kuriodha.

◼ MaDVD Matsva Aripo:

Pursue goals that honour God— Chirungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe