Kubatsirwa Kwatinoitwa Nourongwa Hwechidzidzo Chebhuku Cheungano
1. Misangano yedu mishanu yevhiki nevhiki inotibatsira sei?
1 Musangano mumwe nomumwe pamishanu yatinoita vhiki nevhiki unoitiswa zvakasiyana uye une chinangwa chawo. Asi yose inokosha pakutibatsira kuti “tirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaH. 10:24, 25) Chidzidzo Chebhuku Cheungano chakasiyana nemimwe misangano pakudii uye chinobatsira sei?
2. Kuungana neboka duku rechidzidzo chebhuku kunobatsirei?
2 Hunobatsira Kufambira Mberi Mune Zvokunamata: Kazhinji nhamba yevanhu vanopinda chidzidzo chebhuku iri pasi zvikuru penhamba yevanopinda mimwe misangano yeungano. Izvi zvinoita kuti zvive nyore kuva noushamwari hunogona kutibatsira mune zvokunamata. (Zvir. 18:24) Wakamboedza here kuziva munhu wose ari muboka renyu rechidzidzo, zvichida uchimukumbira kuti ashande newe muushumiri? Urongwa hwechidzidzo chebhuku hunoitawo kuti mutariri wechidzidzo azive mamiriro ezvinhu omumwe nomumwe ari muboka uye kuti akwanise kukurudzira mumwe nomumwe.—Zvir. 27:23.
3. Urongwa hwechidzidzo chebhuku hunokurudzira sei vadzidzi veBhaibheri kupindura uye kupinda misangano?
3 Wakambokoka vaunodzidza navo Bhaibheri kuti vapinde chidzidzo chebhuku newe here? Vanofarira vanozeza kupinda misangano yedu mikuru vanganzwa vasinganyanyi kutya kupinda musangano muduku, kunyanya unoitirwa pamba. Ushamwari hwepedyo hunenge huripo hunoita kuti zvive nyore kuti vaduku uye vatsva vapindurewo. Sezvo boka riri duku, tine mikana yakawanda yokupindura uye yokurumbidza Jehovha.—Pis. 111:1.
4. Urongwa hwechidzidzo chebhuku hungaita kuti zvinhu zvive nyore munzirai?
4 Zvidzidzo zvebhuku zvinowanzoitirwa munzvimbo dziri pedyo nevaparidzi mundima yose. Kunyange zvazvo zvisingaiti kuti munhu wose apindire pedyo zvikuru naye, kupindira chidzidzo chebhuku kwatakanzi tipindire kungareva kuti hatifambi daro rakareba seratinofamba tichinopinda mimwe misangano yeungano. Kunoitirwa chidzidzo chebhuku kungashandiswawo senzvimbo yakakodzera yokuitira musangano webasa romumunda.
5. Mutariri wedu wechidzidzo chebhuku angatibatsira sei muushumiri?
5 Hunobatsira Pakuita Ushumiri: Mutariri wechidzidzo chebhuku anofarira kubatsira mumwe nomumwe kuti ave wenguva dzose, ave nezvibereko uye afare muushumiri. Nokudaro, anoedza kushanda nomunhu wose ari muboka, achimubatsira mumarudzi akasiyana-siyana oushumiri. Kana uine chinokunetsa muushumiri, zvakadai sokudzokerazve, zivisa mutariri wako wechidzidzo chebhuku. Zvichida angaronga kuti ushande nomuparidzi ane ruzivo ari muboka racho. Mano ako okudzidzisa vanhu Bhaibheri achavandudzwa nokunyatsoona nzira dzokudzidzisa dzakanaka dzomutariri wechidzidzo chebhuku sezvaanoitisa chidzidzo chebhuku.—1 VaK. 4:17.
6. Nei tichifanira kutsvaka kubatsirwa zvizere nourongwa hwechidzidzo chebhuku?
6 Chidzidzo Chebhuku Cheungano chikomborero chikuru kwazvo! Urongwa uhwu hworudo hunobva kuna Jehovha hunotibatsira kuti tirambe takasimba mune zvokunamata munguva dzinotambudza dzatiri kurarama.—Pis. 26:12.