RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/07 p. 7
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 8/07 p. 7

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naAugust 27, 2007. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 2 kusvika kune yaAugust 27, 2007.

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Tingaremekedza sei vamwe patinenge tiri muushumiri uye muungano? [be-CA p. 192 ndima 2-4]

2. Kuti tiratidze kuti tine chivimbo patinotaura, zvii zvinokosha? [be-CA p. 196 ndima 1-3]

3. Ndeapi mamwe mazano achatibatsira kuchenjerera kutaura nezvatinoita patinenge tichiparidzira vamwe? [be-CA p. 198 ndima 1–p.199 ndima 1]

4. Kuchenjerera kutaura nezvatinoita kunobatsira sei kuziva nguva yakakodzera yokutaura patinenge tichipupurira vamwe? (Zvir. 25:11) [be-CA p. 199 ndima 2-4]

5. Tingakurukura sei hurukuro nenzira inokurudzira? [be-CA p. 203 ndima 3–p. 204 ndima 1]

HURUKURO NHA. 1

6. Chii chingataurwa nezvokunyora kwaEzekieri bhuku rine zita rake uye bhuku racho nderimwe remabhuku matsvene uye rechokwadi here? [si-CA p. 133 ndima 3]

7. Kuti munhu atsungirire kusaruramisirwa, unhu hupi hunokosha hwaanofanira kuva nahwo? [w05-CA 6/1 p. 29 ndima 4]

8. Tinodzidzei pakupindura kwakaita Jesu paakabvunzwa nevaSadhusi nezvokumuka? (Ruka 20:37, 38) [be-CA p. 66 ndima 4]

9. Mudzidzi weBhaibheri kana mumwe watinonamata naye paanobvunza zvaanofanira kuita pamamiriro ezvinhu akati, tinofanira kupindura sei? [be-CA p. 69 ndima 4–p.70 ndima 1]

10. ‘Kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzishande’ kunosanganisirei? (VaEf. 4:23) [be p. 74 par. 4]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Pana Ezekieri 9:2-4, murume akapfeka nguo yerineni anomiririra ani, uye kuiswa “chiratidzo pahuma” zvinorevei? [w88-CA 9/15 p. 14 ndima 18]

12. Vatungamiriri vezvitendero zvechiKristudhomu vanorondedzerwa pana Ezekieri 13:3 vakaita se“vaprofita mapenzi, vanofamba maererano nesimba ravo” pakudini? [w99-CA 10/1 p. 13]

13. Pavaitaura “chirevo” chakanyorwa pana Ezekieri 18:2, vaIsraeri vaiedza kuita sei, uye chidzidzo chipi chinokosha chokuzvidavirira chinobudiswa? [w88-CA 9/15 p. 18 ndima 10]

14. Munguva yokukombwa kweJerusarema nokuparadzwa kwaro, Ezekieri ‘akatadza kutaura’ uye akava “mbeveve” mupfungwa ipi? (Ezek. 24:27; 33:22) [w03-CA 12/1 p. 29]

15. “Gogi wenyika yeMagogi” ndiani, uye achaparadza vanhu vaJehovha rini? (Ezek. 38:2, 16) [w97-CA 3/1 p. 14 ndima 1-p. 15 ndima 3]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe