Bhokisi Remibvunzo
◼ Ndirini pazvakakodzera kuumba rimwe boka reChidzidzo Chebhuku Cheungano?
Kuumba boka idzva kunofanira kufungwa nezvakwo kana zvakakodzera kuitira kuti nhamba yevapindi irambe iri vanenge 15 kana kuti vakati dererei muboka rimwe nerimwe, kusanganisira rinoitira paHoro yoUmambo. Nei izvi zvichikurudzirwa?
Kana mapoka eChidzidzo Chebhuku Cheungano akachengetwa ari maduku, zvinoitira nyore muitisi kunyatsoongorora mumwe nomumwe anopinda. Uye vose vanova nomukana wakakwana wokutsinhira panenge pachivabvumira kuzivisa kutenda kwavo pachena. (VaH. 10:23; 13:15) Kuva nemapoka maduku munzvimbo dzakawanda dziri mundima yeungano kunoita kuti kupinda Chidzidzo Chebhuku Cheungano nemisangano yebasa romumunda kuve nyore. Ungano dzakawedzera nhamba yokunopindirwa dzakaona kuti vanopinda vakawedzerawo.
Pangava nemamwe mamiriro ezvinhu angaita kuti zvive zvakanaka kuumba rimwe boka, kunyange kana ringati dukupei. Izvi zvingava zvechokwadi munzvimbo iri kwayo yoga kana kuti pari kuitirwa iye zvino panenge pakamanikidzana kana kuti pasina pokugara pakakwana. Kana zvichidiwa, rimwe boka rinogona kuumbwa rinosangana masikati kuitira kubatsira vakura, vanoshanda usiku, kana hanzvadzi dzine varume vasiri Zvapupu.
Boka rimwe nerimwe rinofanira kuva nevaparidzi vakasimba mumudzimu uye vanoita basa vakagoverwa kwariri pamwe chete nomuitisi nomuverengi vanokwanisa. Hama dzinofanira kusvasvavirira kuti dziite mabasa aya muungano.
Vakuru vanogona kutsigira kufambira mberi kweungano kana vakava nechokwadi chokuti mapoka echidzidzo chebhuku cheungano akakura zvine mwero uye kuti anotarisirwa zvakanaka mumudzimu achisangana panzvimbo dziri nyore. Pose pazvinoita, mapoka matsva anofanira kuumbwa kuitira kuti vose vanyatsobatsirwa negadziriro iyi yakasiyana nedzimwe yomudzimu. Unogona kuita kuti musha wako uitirwe chidzidzo chebhuku here? Vakawanda vakadaro vakawana zvikomborero zvomudzimu.