Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naJune 25, 2007. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMay 7 kusvika kune yaJune 25, 2007. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Pakutaura, tingaitei kuti tisunungure tsandanyama dzakasungika kuitira kuti tivandudze kunaka kwenzwi redu? [be-CA p. 184 ndima 3–p. 185 ndima 2]
2. Tingava sei “zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose” muushumiri hwedu? (1 VaK. 9:20-23) [be-CA p. 186 ndima 2-4]
3. Tingatevedzera sei muenzaniso waJehovha wokuteerera vamwe? (Gen. 18:23-33; 1 Madz. 22:19-22) [be-CA p. 187 ndima 1-2, 5]
4. Inzira dzipi dzinoshanda dzatingabatsira nadzo vamwe kuti vafambire mberi mune zvokunamata? [be-CA p. 187 ndima 6–p. 188 ndima 3]
5. Nei tichifanira kuva nehanya nokuremekedza vamwe? [be-CA p. 190 ndima 3, bhokisi]
HURUKURO NHA. 1
6. Nei tichifanira kuedza kusvika pamwoyo yevaya vatinodzidzisa? [be-CA p. 59 ndima 1]
7. Muenzaniso wedu unobatsira sei vaya vatinodzidzisa? [be-CA p. 61 ndima 1]
8. Tingavandudza sei unyanzvi hwedu hwokukurukurirana kumba? [be-CA p. 62 ndima 3]
9. Muprofita Jeremiya akatisiyira muenzaniso upi wokushingaira? [si-CA p. 129 ndima 36]
10. Chivimbo chei chinoratidzwa mubhuku raMariro, asi nei richibatsira kuratidza kuti vakaipa vachatongwa zvakakomba naMwari? [si-CA p. 132 ndima 13]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Maererano nezvakaitika kuna Jeremiya zvinotsanangurwa pana Jeremiya 37:21, tinogona kuva nechokwadi nezvechii?
12. Nei Bharuki angave akataura kuti Jehovha akanga ‘awedzera shungu pakurwadziwa kwake,’ zvichiita kuti ‘anete,’ uye pakutanga Bharuki akaitei nezvedambudziko racho? (Jer. 45:1-5)
13. Bhabhironi rakaguma kugarwa rini, richibva rava ‘dongo rose zvaro’? (Jer. 50:13)
14. Ndechipi chokwadi chinokosha maererano nomunyengetero chinobudiswa pachena pana Mariro 3:8, 9, 42-45?
15. Chii chinomiririrwa nengoro inotsanangurwa muchitsauko 1 chaEzekieri?