RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/07 p. 5
  • Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 4/07 p. 5

Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa

◼ Nguva Yepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:20 mangwanani pamazuva maviri okutanga uye musi weSvondo ichatanga na8:20 mangwanani. Nziyo dzoUmambo dzokutanga padzinenge dzichirira, tose tinofanira kugara pasi kuitira kuti purogiramu itange nenzira inoremekedzeka. Purogiramu ichaguma na5:15 manheru musi weChishanu, Mugovera na5:05 manheru uye musi weSvondo na3:10 masikati.

◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano patinenge tawana nzvimbo dzokupaka motokari, nzvimbo dzacho dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Mabheji egungano ndiwo achashandiswa kuti muzivikanwe pamunouya kuzopaka. Vakaremara chete ndivo vachabvumirwa kupaka munzvimbo dzakachengeterwa vakaremara. Sezvo nzvimbo yokupaka ichiwanzova duku, kana zvichiita munogona kuronga kushandisa motokari imwe chete makawanda.

◼ Kuchengeta Zvigaro: Zvigaro zvingachengeterwa chete vaya vamunenge muchifamba navo mumotokari imwe chete kana kuti vaya vamuri kugara navo kumba.

◼ Kudya Kwemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano kuti munotsvaka zvokudya panguva yokumbozorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, midziyo yemagirazi uye doro hazvibvumirwi panoitirwa gungano.

◼ Mari Yezvipo: Mari yakawanda inoshandiswa pakuronga gungano reruwa. Tingaratidza kuti tinoonga nokupa mari yezvipo nokuzvidira kubasa romunyika yose paImba yedu yoUmambo kana kuti pagungano. Cheki dzose dzinonyorwa pagungano dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower.”

◼ Tsaona uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Vatarisiri vokurapa kunoda kukurumidzirwa vakatsutsumwa kuti vanogamuchira nhare dzakawanda dzine chokuita nokurwara kusingadi kukurumidzirwa. Kana munhu akarwara zvinoda kukurumidzirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uyo achazivisa veDhipatimendi reFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vanenge varipo vakanyatsodzidziswa kubatsira vaone kukomba kwemamiriro acho ezvinhu vobatsira. Kana zvichidiwa amburenzi ichadaidzwa.

◼ Mutauro Wemasaini: Gungano rimwe chete romutauro wemasaini richaitirwa kuAvenues Kingdom Hall muHarare. Vose vanoshandisa mutauro wemasaini vanofanira kuudzwa kuti vaende kugungano iri. Tsamba dzingatumirwa kudare regungano iri muchishandisa kero yebazi.

◼ Kurekodha: Zvokurekodhesa zvose hazvifaniri kupfekerwa kana kubatanidzwa nemagetsi epanoitirwa gungano kana kuti negudzanzwi asi zvingangoshandiswa nenzira isingavhiringidzi vamwe.

◼ Kutora Mifananidzo: Kana uchitora mifananidzo panguva yepurogiramu, tapota usashandisa furashi.

◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu iri rimwe kana maviri kugungano. Mafomu acho achange aripo pagungano kuDhipatimendi Rinotarisira Mabhuku. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuDhipatimendi Rinotarisira Mabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yokwenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaFebruary 2005 p. 6.

◼ Resitorendi: Munzvimbo dzakawanda, zvakajairika kusiya mari yokutenda yakakodzera zvichienderana nezvaunenge waitirwa.

◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kuzogara pamba pehama here? Kufunga zviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisira kuti munhu akugamuchira akupe zvokudya mahara, kunyange iri hama yaunonamata nayo. (2) Shivirira uye remekedza vakugamuchira sezvavanoedza kukupa pokugara. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vasingatarisirwi, vangatamba kana kumhanya-mhanya mubindu vachiparadza zvirimwa, uye vangapinda mumakamuri kana kuenda kune dzimwe nzvimbo dzavasingafaniri kuenda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanya, zvobva zvavhiringidza mhuri yacho nevavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira vachiona kuti mufambiro wavo nguva dzose unoita kuti Jehovha arumbidzwe.—Zvir. 29:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe