Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna January: Chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Kana ungano yenyu isina mabhuku akadaro, govera Zivo kana kuti Rambai Makarinda! February: Swedera Pedyo naJehovha kana kuti chero mabhuku akawandisa pane amuinawo ekare. March: Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. April: Nharireyomurindi neAwake! Pakudzokerazve kune vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti zvimwe zviitiko zvine chokuita nokunamata asi vasingapindi neungano nguva dzose, edza chaizvo kugovera Bhaibheri Rinombodzidzisei?, uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu.
◼ Kutanga muna February uye March 4 asati asvika, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti “Nyika Itsva yaMwari—Ndiani Achakodzera Kupindamo?”
◼ Vhidhiyo inonzi Young People Ask—What Will I Do With My Life? ichakurukurwa pane mumwe Musangano Webasa muna April. Kana muchiida munofanira kuodha vhidhiyo iyi nokuungano nokukurumidza sezvamungagona.
◼ Mabhuku edu eChinese ane manyorerwo maviri. Vanhu vokuHong Kong nokuTaiwan vanowanzoverenga manyorero agara achishandiswa, atinoratidza seizvi “Chinese” (CH). Vamwe vose vanoverenga Chinese vanowanzoverenga manyorero ari nyore anonzi “Simplified Chinese” (CHS). Sezvo manyorero anoverengwa nomunhu asina basa nokuti anotaura Cantonese, Mandarin, kana kuti mumwe wemitauro miduku yeChinese, zvinokosha kuziva manyorero aangada. Kuti muone kusiyana kwayakaita onai kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations, pamapeji 13-14. Kana mukaita izvi, muchaodha mabhuku akanyorwa sezvinodiwa.
◼ Ungano dzinofanira kuita urongwa hwakafanira kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi woMuvhuro, April 2, zuva ranyura. Kunyange zvazvo hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, zviratidzo hazvifaniri kutanga kupfuudzwa kusvikira zuva ranyura. Bvunzai vezvemamiriro okunze vokwenyu kuti muone nguva inonyura zuva munharaunda yenyu. Ungano imwe neimwe inofanira kuedza kuchengeta Chirangaridzo iri yoga. Zvisinei, izvi zvingasaita nguva dzose. Kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, tinokurudzira kuti purogiramu dzacho dzinge dzakaparadzana nemaminitsi asiri pasi pe40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nokushamwaridzana pashure peChirangaridzo. Panofanira kufungwawo nezvokuwanda kwemotokari mumugwagwa uye pokudzipaka, kusanganisira kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti urongwa hupi hungava hwakanakisisa muungano mavo.
◼ Vanyori veungano vanofanira kuva nechokwadi chokuti vane tsamba yokugadzwa kwapiyona (S-202) yapiyona wenguva dzose mumwe nomumwe ari muungano. Kana vasina, vanofanira kunyorera hofisi yebazi.