Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakakodzera here kuronga kuti titengesere zvinhu pamba kana kuti kuronga dzimwe nzira dzokuwana nadzo mari kuti ungano ibatsirwe?
Zvakajairika kuti masangano ezvitendero aite zvirongwa zvokuwana nazvo mari zvakaita sokubika zvokudya zvinozotengeswa, sero, kana kuti mitambo. Kunyange zvazvo vamwe vangafunga kuti pane chikonzero chakanaka chokuzviita, zvechokwadi zviitiko izvi zvakafanana nokukumbira mari. Zvapupu zvaJehovha hazviwani mari inozvitsigira nenzira iyoyo.
Magazini yechipiri yeNharireyomurindi yeChirungu yaAugust 1879, yakataura izvi nezvokuramba kwedu kutevedzera machechi uye kukumbira mari: “Tinodavira kuti ‘Zion’s Watch Tower’ inotsigirwa naJEHOVHA, uye sezvazviri haizombopemhi kana kuti kukumbira vanhu kuti itsigirwe. Kana Iye anoti: ‘Ndarama yose nesirivha zviri mumakomo ndezvangu,’ akatadza kupa mari inodiwa, tichanzwisisa kuti inenge yava nguva yokuti tiregere kubudisa mabhuku.”
Tinoramba tichitevedzera zvinotaura Magwaro zvokuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaK. 9:7) Mabhokisi emari yezvipo anogara muDzimba dzoUmambo kuitira kuti vanhu vape mari yezvipo kana vachida. (2 Madz. 12:9) Zvipo hazvikumbirwi; uyewo hazvipiwi nepfungwa yokuda kuzowana chimwe chinhu.