Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
1 “Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu, nevanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri; nokuti nguva yakatarwa yava pedyo.” (Zvak. 1:3) Mashoko iwayo anoratidza kukosha kwebhuku raZvakazarurwa, kunyanya sezvo tiri kurarama munguva yakasarudzwa yokuzadzika kwehwakawanda hwouprofita hwacho. Zvakakodzera kuti tichitanga kudzidza bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! paChidzidzo Chebhuku Cheungano kutanga nevhiki yaJanuary 8, 2007.
2 Mamiriro ezvinhu munyika achinja munzira dzakawanda kubva patakapedzisira kudzidza bhuku raZvakazarurwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano. (1 VaK. 7:31) Uyezve, vakawanda vatinoparidza navo mashoko akanaka oUmambo havana kumbobatsirwa nokukurukura ndima nendima dzebhuku raZvakazarurwa. Kudzidza bhuku raZvakazarurwa kunofanira kutibatsira tose kuti tirambe takamuka pane zviri mberi.—Zvak. 16:15.
3 Vavarira kuvapo vhiki yoga yoga. Zvatichadzidza hazvingotibatsiri kuramba takarinda asiwo mashoko aJesu kuungano nomwe achatibatsira kuti tirege kuva mumamiriro ezvinhu anogona kukanganisa zvikuru kunamata kwedu uye zvatinoita muushumiri.—Zvak. 1:11, 19.
4 Nyatsogadzirira: Usati waenda kuchidzidzo chebhuku chimwe nechimwe, vhura Bhaibheri rako woverenga ndima dzose dziri mubhuku raZvakazarurwa dzichadzidzwa vhiki iyoyo. Cherechedza zvikonzero zvomuMagwaro zvetsananguro iri kupiwa. Vavarira kunzwisisa pfungwa dzinokosha kuti mwoyo wako ukurudzirwe. (Neh. 8:8, 12) Iva nenguva yokufungisisa uye zvibvunze kuti: ‘Izvi zviri kundiudzei nezvaJehovha nokuitwa kwechinangwa chake? Ndingaita sei maererano nechinangwa chake ndobatsira vamwe?’
5 Kwapera makore makumi mapfumbamwe nemaviri kubva zvatanga “zuva raShe” muna 1914. (Zvak. 1:10) Zviitiko zvinotyisa zvepasi pano zvakafanotaurwa mubhuku raZvakazarurwa zviri mberi. Kudzidza bhuku raZvakazarurwa kuchazorodza mwoyo yedu nepfungwa dzedu kwosimbisa kutenda kwedu kuti “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” uye nyika itsva zvava pedyo.—Zvak. 16:14; 21:4, 5.