RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/06 p. 1
  • Vakashinga asi Vaine Rugare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakashinga asi Vaine Rugare
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • “Ivai Norugare Nevanhu Vose”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • ‘Tsvaka Rugare Urutevere’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ngatiparidze Aya Mashoko Akanaka oUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Unoparidza Usingatyi Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 11/06 p. 1

Vakashinga asi Vaine Rugare

1 Vanhu vakawanda vatinoparidzira vanoratidza nomwoyo wose kuti vanodavira zvinhu zvinopesana nechokwadi chomuBhaibheri. Kunyange zvazvo tichifanira kuparidza noushingi, tinodawo ‘kuva norugare nevanhu vose’ toedza kusagumbura vamwe pasina chikonzero. (VaR. 12:18; Mab. 4:29) Tingava sei vakashinga asi tiine rugare patinotaura shoko roUmambo?

2 Wana Pamunobvumirana: Munhu ane rugare haaiti nharo. Kuramba zvitendero zvakasimba zvasaimba pasina chikonzero kunoita kuti asava nepfungwa dzinoda kugamuchira. Kana akataura zvisirizvo, zvimwe nokuchenjera tingataura imwe pfungwa yatingabvumirana. Patinoomerera pane zvatinobvumirana tose, tingagona kuita kuti kusafarira kwanga kuripo kupere tobaya mwoyo wake.

3 Kana tikasagadzirisa maonero asiriwo asaimba, tinenge tiri kubvumirana naye here kana kuti kurerutsa chokwadi? Aiwa. Basa redu sevashumiri vechiKristu harisi rokuramba pfungwa dzose dzisina kururama, asi nderokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14) Pane kuita nharo kana paine pfungwa isina kururama yataurwa, tinogona kuiona somukana wokunzwisisa mafungiro ake.—Zvir. 16:23.

4 Muremekedze: Pane dzimwe nguva dzatinofanira kuva vakashinga uye vane chivindi patinenge tichiramba dzidziso dzisina kururama. Zvisinei, sevanhu vane rugare, hatiseki kana kutaura mashoko anoderedza vaya vanodavira uye vanodzidzisa zvisirizvo. Kuzviona setiri nani kunoita kuti vanhu vasafarire, asi kutaura nokuzvininipisa uye nomutsa kunovhura pfungwa dzevanoda chokwadi. Kuremekedza vateereri vedu uye zvavanodavira kunoita kuti varambe vaine chiremera chavo, zvichiita kuti zvive nyore kwavari kugamuchira shoko redu.

5 Muapostora Pauro akafunga nezvezvitendero zvevanhu vaaiparidzira ndokutsvaka kutaura mashoko akanaka nenzira yaizosvika pamwoyo yavo. (Mab. 17:22-31) Nomwoyo unoda akava ‘zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose, kuti aponese vamwe nenzira dzose.’ (1 VaK. 9:22) Tinogonawo kuita izvozvo nokuva norugare sezvatinoparidza mashoko akanaka noushingi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe