RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/06 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 13
  • Vhiki Inotanga naNovember 20
  • Vhiki Inotanga naNovember 27
  • Vhiki Inotanga naDecember 4
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 11/06 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 13

Rwiyo 152

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 12 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 15 uye Awake! yaNovember. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza zvokuita kumunhu angangoda kuramba kukurukurirana achiti “Ini ndinotoziva nezvebasa renyu.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 20.

20 min: “Jehovha Anoda Munhu Anopa Achifara—Ndima 1-8.”a Ichakurukurwa nomukuru anokwanisa. Verenga ndima dzose. Kana nguva iripo mamwe magwaro angaverengwa.

15 min: “Vakashinga asi Vaine Rugare.”b Taurawo zviri mubhuku reChikoro Choushumiri, pamapeji 252-3, pasi pomusoro muduku unoti “Nguva Yokusapikisa.”

Rwiyo 39 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 20

Rwiyo 132

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

20 min: “Jehovha Anoda Munhu Anopa Achifara—Ndima 9-14.”c Ichakurukurwa nomukuru anokwanisa. Verenga ndima dzose. Kana nguva iripo mamwe magwaro angaverengwa. Iva nomuenzaniso wevaviri vari kuronga mashandisiro avachaita mari yavo yavanotambira mwedzi nomwedzi uye vachiva nechokwadi chokuti vanoisa imwe mari padivi mwedzi mumwe nomumwe yokutsigira basa romunyika yose. Vanobvumirana kuti vachapa mari yakawanda sei uye vobva vagumisa kuti mari yacho inenge ichizoongororwa nguva nenguva kuitira kuderera simba kwairi kuita.

15 min: Kugovera bhuku raMunhu Mukurusa muna December. Kukurukurirana nevateereri. Kumbira kuti vateereri vataure pamusoro pezvavanofarira mubhuku raMunhu Mukurusa uye zvavakasangana nazvo zvinofadza pavairigovera kare. Dzokorora mharidzo dzokuenzanisira dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005. Iva nomuenzaniso wokugovera bhuku racho uchishandisa imwe yemharidzo dzokuenzanisira kana kuti imwe mharidzo ingashanda mundima yenyu.

Rwiyo 203 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 27

Rwiyo 111

5 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa.

10 min: Kuvaka Takabatana Kuti Tirumbidze Mwari. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaNovember 1, 2006, mapeji 17-21.

15 min: “Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini.”d Ivawo nomuenzaniso wemaminitsi matatu wevaparidzi vaviri, zvichida murume nomudzimai vachisarudza mharidzo pane dziri papeji 12 dzinotaura nezvemagazini aDecember vosarudza kuti vangaishandisa sei, vachitaura nemashoko avo. Zvadaro, vachishandisa mazano ari munyaya ichangobva kukurukurwa, vanogadzirira voenzanisira nzira yavachakurukura nayo imwe nyaya yavaona kuti yakakodzera nguva mundima yavo.

15 min: “Ndinoona Sei Zvikamu Zviduku Zveropa uye Kurapwa Neropa Rangu?” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro uye muenzaniso. Mukuru anopa hurukuro iyi anofanira kunyatsotevera zviri mupepa rehurukuro rakabva kubazi.

Rwiyo 120 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 4

Rwiyo 155

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaNovember.

15 min: “Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!”e Kurudzira ungano kuti ishandise zvakanaka zviri mubhuku racho, zvakadai semabhokisi nemifananidzo. Chidzidzo chimwe nechimwe chapera, dzokororai muchishandisa Bhaibheri.

20 min: Vashumiri veMashoko Akanaka. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri inobva mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, papeji 77 kusvika pamusoro muduku uri papeji 83.

Rwiyo 168 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe