RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/06 p. 7
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 10/06 p. 7

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naOctober 30, 2006. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaSeptember 4 kusvika kune yaOctober 30, 2006. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Nei chivimbo chichikosha pakutaura, uye tingaderedza sei kunetseka kwedu? [be-CA p. 135 ndima 5–p. 137 ndima 2, mabhokisi]

2. Patinobvunzwa pamusoro pezvatinodavira, nei tichifanira kuedza kushandisa Bhaibheri pakupindura? [be-CA p. 143 ndima 1-3]

3. Tingava sei shasha pakushandisa Bhaibheri? [be-CA p. 144, bhokisi]

4. Nei zvichikosha kushandisa Bhaibheri kakawanda patinenge tichidzidzisa muushumiri, uye tingakurudzira sei kuti rishandiswe pamisangano yeungano? [be-CA map. 145-6, mabhokisi]

5. Zvinangwa zvipi zviviri zvatinenge tiinazvo patinosuma rugwaro? [be-CA p. 147 ndima 2]

HURUKURO NHA. 1

6. Ndeapi mashoko anonyatsobatsira atinowana muMapisarema? [si-CA p. 105 ndima 23]

7. Bhuku raZvirevo rakanyorwa rini uye zvikamu zvaro zvakabatanidzwa rini? [si-CA p. 107 ndima 5]

8. Chirevo chii, uye nei zita rechiHebheru rebhuku racho rakakodzera? [si-CA p. 107 ndima 6]

9. Pana Zvirevo 2:1-5, chii chinorehwa nokukurudzira kwokuti tirambe tichitsvaka zivo, kunzwisisa, noungwaru “sesirivha” uye “sepfuma yakavanzwa?” [be-CA p. 38 ndima 4]

10. Bhuku raZvirevo rinozivisa sei chinangwa charo chinobatsira? [si-CA p. 109 ndima 19]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Dhavhidhi ‘akazorodza mweya wake nokuunyaradza somwana achangobva kurumurwa ari pana amai vake’ sei, uye tingamutevedzera sei? (Pis. 131:1-3)

12. Tinonyaradzwa sei nemashoko akafuridzirwa ari pana Pisarema 139:7-12?

13. Ndeipi mimwe mienzaniso youkuru hwaJehovha inotaurwa muPisarema 145 ingaita kuti timurumbidze muminyengetero yedu uye muushumiri hwedu hwepachena? (Pis. 145:3)

14. Kutya Jehovha ndiko “kutanga kwezivo” uye “kutanga kwouchenjeri” munzira ipi? (Zvir. 1:7; 9:10)

15. Pana Zvirevo 7:1, 2, chii chinobatanidzwa mu“mashoko angu” uye “mirayiro yangu”?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe