RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/06 p. 6
  • Unombobvunza Nezvevamwe Vangafarirawo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unombobvunza Nezvevamwe Vangafarirawo Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vane “Mafungiro Akanaka” Kuti Vave Vadzidzi
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Nzira Shanu Dzokuti Uwane Munhu Wokudzidza Naye Bhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 4/06 p. 6

Unombobvunza Nezvevamwe Vangafarirawo Here?

Kana iye zvino uri kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu, wadii kumubvunza kana shamwari dzake, hama dzake kana kuti vaanozivana navo vangafarirawo kudzidza zvinodzidziswa neBhaibheri? Kazhinji ungatopiwa mazita anoverengeka. Kana waunodzidza naye abvuma, ungataura zita rake paunoshanyira vanhu ivavo kuti uvataurire nezvokudzidza Bhaibheri. Ungati, “[Zita romudzidzi] akanakidzwa nokudzidza Bhaibheri, uye akafunga kuti nemiwo mungada kubatsirwa nepurogiramu yepachena yokudzidza Bhaibheri.” Zvadaro muratidze kwenguva pfupi madzidziro amunoita, uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?

Kana wauri kudzidza naye ari kufambira mberi, ungamukurudzira kuti atsanangure urongwa hwokudzidza kushamwari uye vomumhuri yake vangave vachifarira. Angavakoka kuti vavepowo pamunenge muchidzidza. Kana izvozvo zvisingaiti, anogona kuronga kuti uonane navo wovaratidza madzidziro amunoita. Kuita izvi kungakurudzira waunodzidza naye kuti atange kuudzawo vamwe zivo yake yeBhaibheri.

Vaya vaunogara uchishanyira vangakuudza nezvevamwe vangafarirawo, kunyange zvazvo ivo vasati vabvuma kudzidza Bhaibheri nguva dzose. Paunovapa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? unogona kungobvunza kuti, “Mune mumwe munhu wamunoziva here angada bhuku rino?”

Sezvatinoona kuti nguva yacho ndeyokukurumidzira, tinoda kushandisa mukana uri wose kuti tibatsire vanhu kuti vanzwe uye vabvume mashoko akanaka. Unombobvunza nezvevamwe vangafarirawo here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe