Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingapindi neungano nguva dzose, edza kugovera bhuku idzva raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Chinangwa chinofanira kuva chokutanga kudzidza bhuku racho. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raMufarwa Wemhuri. July: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari.
◼ Kutanga muna April, ungano dzinofanira kuodha mabheji egungano reruwa ra2006. Zvibatiso zvepurasitiki zvinofanira kuodherwa vaya vanenge vachizvida vari muungano.
◼ Vanyori vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Aya anogona kuodhwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Chengetai anenge anokwana gore rose. Musati matumira mafomu ose okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose kubazi, ivai nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neAwake! a2005. Achawanika muChirungu. Achaoneka papepa remabhuku eungano atumirwa pakanzi zvakamirirwa kusvikira ava kuwanika uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.