Mushandira Pamwe Womunyika Yose Wokuzivisa Nezvegungano Reruwa Rinoti “Kununurwa Kwava Pedyo!”
Pane Hendibhiri Regungano Richagoverwa Nevaparidzi Muungano Dzose
1 Munenge mukutanga kwaMay 2006 kuNorthern Hemisphere zvichienda mberi kusvikira magungano eruwa munyika yose apera, pachange paine mushandira pamwe womunyika yose wokuzivisa nehendibhiri magungano eruwa achaitwa munyika dzinenge 155. Mushandira pamwe uyu uchasanganisira magungano achapindwa nevanhu vanobva kune dzimwe nyika akarongwa kuitwa kuGermany, Czech Republic, nokuPoland muna July uye muvhiki yokutanga yaAugust 2006.
2 Nokuti tiri kurarama muawa yokupedzisira yemazuva ano okupedzisira, magungano anofanira kufadza vanhu vane mafungiro akanaka, sezvo achitaura nezvokununurwa naMwari mumamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino kwakapikirwa. Mashoko acho anofanira kuvaita kuti vakurumidze kufunga nezvezviri mberi. Kuitira kuti mamiriyoni evanhu awane mukana wokunzwa mashoko anonyaradza uye etariro, ungano dzinopfuura 98 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose dziri kukurudzirwa kuzivisa nomwoyo wose gungano ravachapinda.
3 Ungano dzichapiwa mahendibhiri akakwana kuitira kuti muparidzi wose awane mahendibhiri anenge 50. Kana asara anogona kushandiswa nemapiyona ari muungano. Muungano imwe neimwe, mushandira pamwe wacho uchatanga vhiki nhatu gungano richapinda ungano iyoyo risati ratanga. Izvi zvichapa nguva yakakwana yokupedza inoda kuva ndima yose yeungano kana kutoti yose.
4 Zviri kukurudzirwa kuti pose pazvinobvira, hendibhiri rinofanira kutambidzwa saimba mumaoko ake. Zvisinei, kana vamwe vasiri pamba, hendibhiri rinogona kusiyiwa pasuo kana zvakakodzera. Tinofanira kushingairira kuti tiparadzire mahendibhiri ose mukati mevhiki nhatu dzacho.
5 Tinovimba kuti uchapupu hwakakura huchapiwa zvichibva pakushandira pamwe uku kwatichaita munyika yose kuti tizivise nezveGungano Reruwa rinoti, “Kununurwa Kwava Pedyo!” sezviri munyaya ino. Tinonyengeterera kuti Jehovha achakomborera zvikuru zvauchaedza kuita sezvaunoshandira pamwe nevamwe munyika yose.