RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/05 p. 8
  • Shandisa Nokuchenjera Mabhuku Edu eBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Nokuchenjera Mabhuku Edu eBhaibheri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Kugovera Mabhuku Mundima Ine Mitauro Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Usapambadza Mabhuku
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 12/05 p. 8

Shandisa Nokuchenjera Mabhuku Edu eBhaibheri

1, 2. Vanhu vakawanda vanoona sei mabhuku edu, uye izvi zvinomutsa mubvunzo wokuti chii?

1 “Ndave ndichiverenga mabhuku enyu kubva muna 1965. Ndinotarira muBhaibheri pandinenge ndichiverenga, uye zvose zviri mumabhuku enyu zvinoenderana neBhaibheri. Ndakagara ndichida kuziva chokwadi chaicho nezvaMwari naJesu, uye ndinogona kunyatsotaura kuti ndiri kuwana mhinduro dzechokwadi mumabhuku enyu uye muBhaibheri.” Ndizvo zvakanyorwa nomumwe murume achinyorera kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha. Mutsamba iyoyo, akakumbira kudzidziswa Bhaibheri.

2 Kufanana nomurume iyeye anoonga, mamiriyoni evanhu pasi pose anofarira mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri anobva ku“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Gore roga roga, mabhuku akawanda zvikuru anobudiswa kuti abatsire vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti “vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Tingashandisa sei nokuchenjera mabhuku edu eBhaibheri?

3. Tingaita sei kuti tisapambadza mabhuku?

3 Musapambadza: Pashure penguva yakati, tinogona kuva nemabhuku akawanda pane atinoda kushandisa. Tingaita sei kuti tisapambadza mabhuku edu anokosha? Tinoda kungwarira patinotora mabhuku atichashandisa muushumiri. Pane kuti titore mabhuku akawanda atichange tichigovera, tinogona kumbotora rimwe kana maviri, kana iwaya apera tozodzoka tichitora mamwe. Izvi zvichaita kuti mabhuku akawanda asaungana kudzimba dzedu. Saizvozvowo, kana tiine magazini akawanda atisina kugovera, zvingava zvakanaka kuti titore mashoma.

4. Chii chingaitwa kana ungano iine mabhuku akawandisa?

4 Mabhuku Akawandisa: Kana ungano iine mamwe mabhuku akawandisa, mutarisiri wemabhuku angada kubvunza dzimwe ungano dzomunharaunda yacho kana dzingada kushandisa mamwe mabhuku acho. Vaparidzi vangapa mabhuku ekare vomumhuri vasingatendi, vadzidzi veBhaibheri nevamwe. Vatsva vaya vachangotanga kuwadzana neungano vangada kuva nemabhuku iwaya ekare okuchengeta muraibhurari yavo.

5. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa mabhuku edu?

5 Tinoda kuti mabhuku edu apedze basa rawo, kureva kuti, abatsire vanhu vakatendeka kuti vadzidze zvakawanda nezvezvinangwa zvinoshamisa zvaJehovha. Sezvo Jesu asina kurasa zvokudya zvakanga zvasara pashure pokudyisa mapoka evanhu nenzira inoshamisa, chinangwa chedu chinofanira kuva chokushandisa zvakanyatsonaka mabhuku eBhaibheri anokosha atinopiwa. (Joh. 6:11-13) Mashoko anoponesa upenyu ari mumabhuku edu haangabayi mwoyo yevanoda zvakarurama kana akaramba ari mumasherufu kana mumabhegi edu. Saka, tinofanira kuva vanonzwisisa patinotora mabhuku atinoda kushandisa muushumiri toashandisa nokuchenjera kuti vamwe vabatsirwe.—VaF. 4:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe