Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Dec. 15
“Vanhu vakawanda vanonetseka pamusoro pokutengeserana kwava kuitika panguva yezororo. Munofunga kuti harisisina chinangwa here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti tsika dzinoitwa pazororo dzakachinja sei nokufamba kwenguva. Inotaurawo kuti chokwadi tingakudza sei Mwari naKristu.” Verenga Johani 17:3.
Awake! Dec. 22
“Makore 85 akapfuura, rimwe denda rakauraya vanhu vakawanda muvhiki 24 pane vakaurayiwa neAIDS mumakore 24. Vamwe vanoriti denda rakaipisisa munhau. Makambonzwa nezvefuruwenza yokuSpain here? [Rega apindure.] Magazini ino inokurukura kana chirwere chakadaro chichizodzokazve. Inoitawo kuti tive netariro.” Verenga Isaya 33:24.
Nharireyomurindi Jan. 1
“Vanhu vane simba rokuita zvinhu zvakanaka chaizvo, asi kazhinji vanoita zvinhu zvakaipa zvisingatombotauriki. Makamboshamisika here kuti nei? [Rega apindure.] Magazini ino inopa mhinduro inobva muBhaibheri. Inotsanangurawo kuti kuita zvakanaka kuchakurira zvakaipa.” Verenga VaRoma 16:20.
Awake! Jan.
“Munombofungawo here kuti nyika ichange yaita sei mumakore 20 kana kuti 30 ari kuuya? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 119:105.] Bhaibheri rinovheneka nzira iri mberi kuti tigone kunzwisisa kuti remangwana rinei. Magazini ino inoongorora uprofita hunoratidza patiri mukufamba kwenguva uye kuti nei tichifanira kutarisira remangwana rakajeka.”