Chikoro Chinotibatsira Kuti Tishandise Zvatinodzidza
1 Sezvatinofunga nezvemashoko ari muPurogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2006, tinoedza kubatsirwa nedzidziso dzeMagwaro nokudzishandisa mubasa redu dzvene uye muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Takatsunga kuita zvinhu zvatinodzidza.—Joh. 13:17; VaF. 4:9.
2 Kutsinhira: Purogiramu yegore rino yakawedzerwa imwe miniti kuti vateereri vatsinhire pfungwa huru dziri muBhaibheri. Izvi zvinoreva kuti hama yakarongwa kupa pfungwa huru inofanira kupedza chikamu chayo mumaminitsi mashanu panzvimbo pematanhatu. Vaya vanotsinhira vari muvateereri vanofanirawo kungwarira kuti vachengete nguva. Kana akanyatsogadzirira, munhu ari kutsinhira angataura mashoko anobatsira mumasekonzi asingapfuuri 30. Vanhu vanenge gumi vanofanira kutsinhira mashoko anobatsira mumaminitsi mashanu anopiwa vateereri kuti vataurewo.
3 Hurukuro Dzinodzidzisa: Pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri nehurukuro yokurayira zvinofanira kuratidza kukosha kwemashoko acho sezvo zvichishanda muushumiri hwedu uye mune zvimwe zvatinoita muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Mukurukuri haafaniri kungoita kuti vateereri vake vave nechido chokuita chimwe chinhu. Anofanira kutsanangura kuti ndezvipi zvinofanira kuitwa, oratidza kuti zvingaitwa sei uye kuti zvinobatsirei. Anogona kuti, “Rugwaro urwu runotitungamirira nenzira iyi,” kana kuti “Aya ndiwo mashandisiro atingaita ndima idzi muushumiri hwedu.” Vakuru nevashumiri vanoshumira vanoziva zvakaita ungano yacho vanofanira kuedza nepavanogona napo kuita kuti mashoko acho ashande zvakajeka.
4 Kutaura mienzaniso yomuBhaibheri kunogona kubatsira pakuita kuti mashoko acho ashande. Paanenge ataura muenzaniso woRugwaro, mukurukuri angati, “Imiwo mungazviwana muri mumamiriro ezvinhu akafanana neaya.” Anofanira kuva nechokwadi chokuti chero kushanda kupi kunoita muenzaniso womuBhaibheri kunoenderana nezviri kutaurwa, neBhaibheri racho rose, uye nezvave zvichibudiswa no“muranda akatendeka, akangwara.”—Mat. 24:45.
5 Uchenjeri kugona kushandisa zivo uye kunzwisisa zvinobudirira. “Uchenjeri ndihwo chinhu chikuru pane zvose.” (Zvir. 4:7) Sezvatinoramba tichitsvaka uchenjeri hunobatsira nokudzidza kwedu muChikoro chaMwari Choushumiri, ngatiwedzereiwo unyanzvi hwokudzidzisa vamwe.