Bhokisi Remibvunzo
◼ Tinofanira kutarisira sei mabasa eungano?
Kushandira pamwe chete kunoita kuti ungano yevanhu vaJehovha ishande zvakarongeka. (1 VaK. 14:33, 40) Chimbofunga zvose zvinofanira kutarisirwa pamusangano weungano mumwe bedzi. Kunze kwepurogiramu yacho pachayo, pane zvakawanda zvinofanira kuitwa musangano wacho usati watanga uye paunenge wapera sezvo hama nehanzvadzi dzichitarisira mabasa akasiyana-siyana. Zvimwe zvinoitwa pasiri paruzhinji zvinokoshawo. Mumwe nomumwe wedu angatsigira sei urongwa uhwu?
Iva anowanika. Vaya vane mwoyo unoda vachava nezvakawanda zvokuita. (Pis. 110:3) Iva nehanya nevanorwara uye vakwegura. Batsira kuchenesa Imba yoUmambo. Tinogona kuita mabasa akawanda anobatsira tisina kukumbirwa kuti tiaite. Tinongofanira kuva nechido chokubatsira.
Shanda zvine mwero. Vanhu vane mwero vanofara kushumira vamwe. (Ruka 9:48) Kuva nomwero kuchaita kuti tisagamuchire mabasa akawanda kudarika atingagona kunyatsoita. Uyezve, kuva nomwero hakuzoiti kuti tishandise simba redu zvisizvo.—Zvir. 11:2.
Iva akavimbika. Mosesi akakurudzirwa kuti asarudze ‘varume vakavimbika’ kuti vatungamirire muIsraeri yekare. (Eks. 18:21) Unhu uhwu hunodiwawo nhasi. Ita nomazvo basa rose raunenge wapiwa. (Ruka 16:10) Kana usingakwanisi kuita basa rakati, iva nechokwadi chokuti urongwa hwakakodzera hwaitwa kuti mumwe munhu ariite iwe paunenge usipo.
Ita nepaunogona napo. VaKristu vanokurudzirwa kuti vashande nemwoyo wose kunyange kumabasa okunyika. (VaK. 3:22-24) Pane chikonzero chikuru chokuita kudaro paunenge uchishandira kufambisira mberi kunamata kwechokwadi. Kunyange kana basa racho richiita serakaderera kana kuti risingakoshi, ungano inobatsirwa kana rikaitwa zvakanaka.
Basa rimwe nerimwe rinotipa mukana wokuratidza kuti tinoda Jehovha uye hama dzedu. (Mat. 22:37-39) Ngatitarisirei nokutendeka chero basa ripi ratinonzi tiite.