Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna March: Govera bhuku raZivo, uchiedza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April naMay: Govera magazini yeNharireyomurindi neMukai! Vaparidzi vanofanira kuudza vanasaimba kuti vangabvisa mupiro kubasa renyika yose kana vachida. Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, simbirira pakugovera bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei. June: Govera bhuku raZivo kana bhurocha raAnodei. Kana vanasaimba vachitova nemabhuku aya, shandisa rimwe bhurocha rakakodzera iro ungano inaro.
◼ Vaparidzi vanoda kushanda semapiyona ebetsero muna April vanofanira kuita zvirongwa zvavo iye zvino ndokuunza mafomu avo nokukurumidza. Izvi zvichabatsira vakuru kuita zvirongwa zvebasa romumunda zvinodiwa uye kuti pave nemagazini nemamwe mabhuku akakwana. Ungano inofanira kuziviswa mazita evose vanotenderwa kuva mapiyona ebetsero mwedzi mumwe nomumwe.
◼ Tinokurudzira vaparidzi vose kushandawo paZuva Chairo reMagazini musi waApril 5, 2003. Mutariri webasa anofanira kuita zvirongwa chaizvo zvebasa romumunda kuitira kuti vakawanda vanokwanisa vatsigire zuva iri. Izvi zvinofanira kusanganisira misangano yebasa romumunda panguva dzakasiyana dzezuva racho.
◼ Kana mutariri anotungamirira akagamuchira sitatimendi kubva kuhofisi yebazi mwedzi woga woga, anofanira kuona kuti kugamuchirwa kwose kwemipiro yeHomwe yeDzimba dzoUmambo nokweBasa reNyika Yose zvaverengerwa ungano nomushumo weakaunzi unotevera.