Ungazarura Musha Wako Here?
1 Muzana remakore rokutanga, vaKristu vakawanda vakaita kuti misha yavo ishandiswe nokuda kwemisangano yeungano. (1 VaK. 16:19; VaK. 4:15; Fir. 1, 2) Nhasi mune dzimwe ungano, hamuna nzvimbo dzakakwana dzemapoka eChidzidzo Chebhuku Cheungano nedzemisangano yebasa romumunda. Izvi zvingaguma nokuti mapoka echidzidzo chebhuku ave nevanopinda 30 kana kudarika, kupfuura nokure nhamba inodiwa yevanenge 15.
2 Ropafadzo Yakaisvonaka: Wakambofunga nezvokuzarura musha wako here kuti uitirwe Chidzidzo Chebhuku Cheungano? Kamuri rakakura zvakakwana rakachena, rine chiedza chakanaka, uye rine mhepo inotonhorera yakaringana rakanaka nokuda kwechinangwa ichi. Sezvo chidzidzo chebhuku uri musangano weungano uye humwe hwourongwa hwaJehovha hwokudzidzisa vanhu vake, kuva nechidzidzo chebhuku mumusha mako iropafadzo yakaisvonaka. Vakawanda vanoshuma kuti vakabatsirwa mune zvokunamata kuburikidza nokuzarura misha yavo nenzira iyi.
3 Kana uchifunga kuti musha wako wakakodzera, edza nepaunogona napo kuzivisa vakuru. Vangava vari kutsvaka dzimwe nzvimbo. Kana zvisingabviri kuva nechidzidzo chebhuku mumusha mako, misangano yebasa romumunda ingaitirwamo here? Kunyange kana vasiri kuda pokuitira iye zvino, vakuru vachafara kuziva kuti musha wako unogona kushandiswa. Ungawana ropafadzo yacho munguva yemberi.
4 Kuratidza Tsika Dzakanaka: Pakuungana mumusha wehama, vose vanopinda vanofanira kuremekedza zvinhu zvehama yacho yatigamuchira. Vabereki vanofanira kuva nechokwadi chokuti vana vavo vanoramba vari munzvimbo yakasarudzwa kuitira chidzidzo chacho, kwete kuenda kune dzimwe nzvimbo dzisingafaniri kuendwa pamusha pacho. Tinofanirawo kuva nehanya nevavakidzani, tichingwarira kusavavhiringidza kana zvichibvira.—2 VaK. 6:3, 4; 1 Pet. 2:12.
5 VaHebheru 13:16 inotikurudzira kuti tisakanganwa “kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” Kuzarura musha wako nokuda kwomusangano weungano inzira yakaisvonaka yokugoverana nevamwe zvinhu zvakanaka uye yoku“kudza Jehovha nezvaunazvo.”—Zvir. 3:9.