Unofanira KuonaVhidhiyo Inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge
Unoziva zvakawanda sei nezvenzira dziripo dzokurapa pasina kuwedzera ropa? Unoziva zvimwe zvingatsiva kuwedzera ropa uye kushanda kwazvinoita here? Ona vhidhiyo iyi, uye ona kana uchigona kupindira mibvunzo inotevera.—Onai: Nemhaka yokuti vhidhiyo iyi ine pamwe panoratidzwa kuvhiya kwenguva duku, vabereki vanofanira kungwarira pakuona vhidhiyo yacho nevana vaduku.
(1) Ndechipi chikonzero chikuru nei Zvapupu zvaJehovha zvichiramba kuwedzerwa ropa, uye mutemo iwoyo unowanikwa papi muBhaibheri? (2) Maererano nezvokurapwa, chii chatinoda? (3) Varwere vane kodzero chaiyo ipi? (4) Nei zviine musoro uye nei kuri Kuchenjera kuramba kuwedzerwa ropa? (5) Kana ropa rakawanda rikarasika, zvinhu zvipi zviviri zvokukurumidzira zvinofanira kutanga kuitwa navanachiremba? (6) Kuwedzerwa ropa kune ngozi dzipi kuutano? (7) Vanachiremba vane zvimwe zvishandiso zvipi zvinoita kuti vaderedze kurasika kweropa pakuvhiya? (8) Ndezvipi zvaunoda kuudzwa maererano nezvinotsiva kuwedzerwa kweropa? (9) Kuvhiya kusiri nyore kungaitwa pasina kuwedzera ropa here? (10) Vanachiremba vari kuramba vachiwedzera vari kuda kuitirei Zvapupu zvaJehovha, uye ndezvipi zvingaguma zvava kuitwa pakurapa varwere vose?
Hapana mubvunzo kuti zvichabatsira kuona vhidhiyo inonzi No Blood pamwe chete nevadzidzi veBhaibheri vapi nevapi, varume kana vakadzi vasiri Zvapupu, hama dzokunyama, vatinoshanda navo, vadzidzisi, uye vokuchikoro avo vangabvunza zvatinodavira pamusoro peropa. Munhu nomunhu anofanira kutungamirirwa nehana yake pakubvuma kurapa kupi nokupi kunoratidzwa muvhidhiyo yacho.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaJune 15 naOctober 15, 2000.