RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/01 pp. 2-4
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naSeptember 10
  • Vhiki Inotanga naSeptember 17
  • Vhiki Inotanga naSeptember 24
  • Vhiki Inotanga naOctober 1
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 9/01 pp. 2-4

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naSeptember 10

Rwiyo 86

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

13 min: Zvinodiwa muungano.

22 min: “Uri Kunyatsoita Ushumiri Hwako Here?”a Wapedza kukurukura ndima 1-3 nevateereri, enzanisira mharidzo mbiri pfupi dzemagazini—imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaSeptember 15 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaOctober 8. Wapedza kukurukura ndima 4, enzanisira mharidzo yakarongwa, uchishandisa bhuku raZivo.

Rwiyo 124 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 17

Rwiyo 92

15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. “Zviri muIndex.” Ratidza mawanirwe angaitwa mharidzo dzokugovera bhuku raVakabatana.

15 min: Takaita sei Gore Rapera? Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Taura zvinhu zvinokosha zviri mumushumo weungano wegore rebasa ra2001. Rumbidza munhu wose nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakaitwa. Taura nezvokuti ungano yakaita sei pakupinda misangano, pakuva venguva dzose mubasa romumunda, uye pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uchitaura mazano anobatsira okuvandudza. Ronga vavariro dzinokwanisika nokuda kwegore rinotevera.

15 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro. Taura purogiramu yevhiki nevhiki yeungano yemisangano yebasa romumunda. Tsanangura kuti vose vanopinda vangapa sei chimwe chinhu pakurukurirano inobatsira inoitwa pamisangano iyi. Kurudzira ungano kutsigira zvirongwa izvi zvebasa.

Rwiyo 129 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 24

Rwiyo 97

15 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari pakanzi “Zvokutaura Maererano Nemagazini,” enzanisira mharidzo mbiri—imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaOctober 1 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaOctober 8.

30 min: Ida Mwari—Kwete Zvinhu Zvenyika. (1 Joh. 2:15-17) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri muchidzokorora purogiramu yegungano redunhu rakaitwa mugore rebasa rapfuura. Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa huru dzavakadzidza uye kukwanisa kwavakaita kudzishandisa pachavo kana kuti semapoka emhuri. (Zvikamu zvacho zvingafanogoverwa vamwe vaparidzi.) Ita kuti vataure nezvehurukuro dzaiva papurogiramu yacho dzinoti: (1) “Kuda Mwari Kunotikurudzira Muushumiri Hwedu.” Rudo rwakadaro runotibatsira kubata nepfungwa dzisina kunaka dzingatitadzisa kuparidza kwedu—kuzeza, kunzwa usingakwanisi, kutya vanhu. (2) “Vanoda Jehovha Vanovenga Zvakaipa.” (w99-CA 10/1 28-31) Kuva noukama naMwari kunotsamira pakuvenga kwatinoita zvaanovenga—kwete chete zvinozivikanwa kuti zvakaipa asiwo zvakaipa zvisingaoneki kuipa kwazvo. (3) “Tevera Nzira Yorudo Inopfuura Dzose.” (w92-CA 7/15 27-30) VaKorinde Wokutanga 13:4-8 inoratidza chikonzero nei tichitsungirira kusakwana kwevamwe nokushivirira, tichirega kuzvifunga pachedu uye makwikwi, tisingaparadziri makuhwa anokuvadza, uye tichiramba takavimbika kusangano raMwari. (4) “Zvinhu Zviri Munyika—Tinozviona Sei?” Hatifaniri kuda zvinhu zviri munyika, kukurirwa nokuchiva kwenyama, kutsauswa nokuchiva kwemaziso, kana kuti kushamisira nezvinhu zvoupenyu hwedu. (5) “Kusava Rutivi Rwenyika Kunotidzivirira.” VaKorinde Wechipiri 6:14-17 inoratidza kuti zvimwe zvinotendwa, tsika, uye miitiro zvingaita sei kuti tisagamuchirika kuna Mwari. Tinofanira kuziva todzivisa misungo inorongwa naDhiyabhorosi. (6) “Zvipikirwa zvaMwari Kune Vaya Vanomuda.” (w86 6/15 5-6) Chikomborero chaJehovha chinowedzera mufaro muupenyu hwedu uye chinotipfumisa mune zvokunamata.—1 Tim. 6:17-19.

Rwiyo 133 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 1

Rwiyo 106

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaSeptember.

15 min: Ndingaita sei Zviri Nani Muchikoro? Mukuru nomudzimai wake kana kuti mushumiri anoshumira nomudzimai wake vanotaura nomwana wavo wezera rinoenda kuchikoro. Vari kunetseka nokuti mwana wacho ari kusarira kumashure mubasa rake rokuchikoro. Vanoongorora zano riri mubhuku raVechiduku, chitsauko 18, vobva vakurukura zvinofanira kuitwa nomwana wacho kuti aite zviri nani. Vabereki vacho vanosimbisa kukosha kwokuwana dzidzo yokutanga yakanaka kuti munhu ashandise mano ake zvakazara pakuita basa dzvene.

20 min: “Chipingamupinyi Chokuparidza Here?”b Simbisa kudiwa kwokuva ari pakati nepakati mubasa rokunyika, uchikoshesa zvinhu zvinoita kuti Umambo hurambe huri pokutanga. Kumbira vaya vari misoro yemhuri vari muungano kuti varondedzere kuti vari kutarisana sei nomutoro wokugovera mhuri dzavo zvokunyama vasingaregi zvinodiwa zvavo zvokunamata.

Rwiyo 137 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe