RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/01 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 7/01 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pakudzokerazve, govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei, nepfungwa yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.

◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Kushongedza Kunoita vaKristu Vechokwadi Dzidziso yaMwari.”

◼ Mumwedzi waOctober, mumwe Musangano Webasa wose ucharongerwa kudzokorora pfungwa huru dzekokorodzano. Pakugadzirira kukurukurirana ikoko, tose zvedu tinganyora pfungwa dzine zvadzinoreva pakokorodzano, kusanganisira pfungwa dzatinoda kushandisa pachedu muupenyu hwedu uye muushumiri hwomumunda. Zvadaro tingave tagadzirira kutsanangura mashandisire atakaita pfungwa idzodzo kubvira pataipinda kokorodzano. Zvichakurudzira tose zvikuru kunzwa kubatsirwa kwatakaita nomurayiridzo wakanaka watakagamuchira.

◼ Kupaka Motokari Pakokorodzano Yoruwa: Panzvimbo dzose dzinoitirwa kokorodzano dzatakawana pokupaka motokari, nzvimbo dzacho hadzisi kuzobhadharwa, uye dzichapiwa maererano nokuti ndiani anenge atanga kusvika. Hapasi kuzoshandiswa matikiti okupaka, asi mabheji ekokorodzano achashanda sechiratidzo chokupaka. Vaya vakaremara chete ndivo vachabvumirwa kupaka munzvimbo yakachengeterwa vakaremara. Sezvo tichiziva kuti mari yakawanda inoshandiswa, tinogona kuratidza kuonga kwedu nokupa mipiro yokuzvidira kubasa renyika yose paHoro yedu yoUmambo kana kuti pakokorodzano. Cheki dzose dzinopiwa pakokorodzano dzinofanira kunyorwa kuti dzibhadharwe ku“Watchtower Convention.” Dzinofanirawo kuva nezita uye kero zveuyo ari kupa mupiro wacho. Sezvo nzvimbo yokupaka ichiwanzova duku, mungashandisa motokari imwe makawanda kusvikira pazvinobvira pane kuti motokari ingova nomunhu mumwe kana vaviri. Munzvimbo shomanana, ichi chirongwa chokupaka hachigoni kunyatsoitwa zvakazara gore rino. Ungano dzichazenge dzichiitirwa zvakasiyana neizvi muchirongwa ichi dzichataurirwa nedare rekokorodzano romunharaunda yadzo.

◼ Sechiyeuchidzo, Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari noMusangano Webasa zvingarega kuitwa kana ungano iri kupinda kokorodzano vhiki yacho. Zvisinei, zvakanaka kuti Chidzidzo Chebhuku Cheungano chiitwe, zvimwe kwokutanga-tanga kwevhiki kuti chisazokanganisa zvirongwa zvokufamba kwehama kuenda kukokorodzano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe