RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/01 p. 5
  • ‘Teerera uye Wedzera Kudzidza’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Teerera uye Wedzera Kudzidza’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Teerera Mashoko Matsvene
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Teerera Udzidze
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Kuungana Pamwe Kuti Tirumbidze Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kokorodzano Yoruwa Yo“kutenda Shoko raMwari” ya1997
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 7/01 p. 5

‘Teerera uye Wedzera Kudzidza’

1 Bhuku raZvirevo rinorondedzera uchenjeri sohunodanidzira huchiti: “Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; nokuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama. Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana. . . . Nditeererei; nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa. Nokuti wandiwana, wawana upenyu, uchapiwa nyasha naJehovha.” (Zvir. 8:6, 14, 32, 35) Mashoko iwayo anonyatsorondedzera murayiridzo wakatimirira kuKokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari.”

2 Zvinodiwa nehama pasi pose zvave zvichiongororwa, uye purogiramu yekokorodzano yacho yakagadzirirwa kubata nezvinodiwa izvozvo. Murayiridzo womudzimu uye mazano anobatsira izvo zvichapiwa, kana zvikashandiswa, zvingabatsira kuti tifare, kuti tirambe tiine ukama hwakanaka naJehovha, uye kuti tirambe tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi. Zvechokwadi, tine chikonzero chakanaka choku‘teerera nokuwedzera kudzidza.’—Zvir. 1:5.

3 Purogiramu Isati Yatanga: Kuti tibatsirwe zvakazara nezvinokurukurwa, tinofanira kunge tagara pazvigaro zvedu uye pfungwa dzedu dzagadzikana panotanga purogiramu. Izvi zvinoda kurongeka kwakanaka kwomunhu pachake. Chinhu chinokosha zvikuru kukurumidza. Kurumidza kurara zuva roga roga. Kurumidza kumuka kuti upe munhu wose ari muboka rako nguva yokugadzirira uye yokuwana chimwe chinhu chokudya. Kurumidza kusvika panzvimbo inoitirwa kokorodzano kuti ugowana pokugara nokuita zvimwe zvinhu zvinokosha purogiramu isati yatanga. Purogiramu inotanga na9:30 mangwanani mazuva ose, kunze kwomusi weSvondo, paichatanga na8:30 mangwanani.

4 Sezvo chinangwa chikuru chokuungana chiri chokurumbidza Jehovha “paungano,” purogiramu imwe neimwe inofanira kutanga nenzira inorumbidza Mwari wedu. (Pis. 26:12) Kuti zvidaro, tose tinokurudzirwa kunge tagara pasi rwiyo rwokutanga rusati rwaziviswa. Izvi zvinoenderana nezano reMagwaro rokuti: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakafanira uye nokurongeka.” (1 VaK. 14:40) Izvozvo zvinorevei kune mumwe nomumwe wedu? Paunoona sachigaro agara pachikuva panenge pachirira nziyo, ibva wanogara pachigaro chako pakarepo. Izvi zvichaita kuti ukwanise kuimba nomwoyo wose rwiyo runovhura purogiramu imwe neimwe, uchirumbidza Jehovha.—Pis. 149:1.

5 Panguva Yepurogiramu: Ezra aka“ashingaira nomwoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita.” (Ezra 7:10) Tingagadzirira sei mwoyo yedu kuti igamuchire murayiridzo watinopiwa naJehovha? Sezvaunoongorora misoro yehurukuro dzakasiyana-siyana yakarongwa papurogiramu, zvibvunze kuti, ‘Jehovha ari kundiudzei achishandisa purogiramu iyi? Ndingashandisa sei mashoko acho kuti ndizvibatsire ini nemhuri yangu?’ (Isa. 30:21; VaEf. 5:17) Ramba uchizvibvunza mibvunzo iyoyo panguva yose yekokorodzano. Nyora pfungwa dzaunoronga kuzoshandisa. Tora nguva yokudzikurukura panopera zuva rimwe nerimwe repurogiramu yacho. Izvi zvichakubatsira kuyeuka uye kushandisa mashoko acho.

6 Kuramba uchinyatsoteerera kwemaawa akawanda panguva kungava chinetso. Chii chingatibatsira kudzivisa muitiro wokufunga zvimwewo zvisiri ipapo? Shandisa simba reziso. Pamwero mukuru, chatinotarisa nemaziso edu ndicho chatinofunga nezvacho. (Mat. 6:22) Naizvozvo, dzivisa kuda kungotarisa chose chose changoita ruzha kana kufamba. Maziso ako ngaarambe akatarira kune mukurukuri. Tarira muBhaibheri rako panenge pachiverengwa rugwaro, uye ramba wakavhura Bhaibheri rako panenge pachikurukurwa mashoko acho.

7 Rudo rwechiKristu ruchaita kuti tisakanganisa vamwe purogiramu iri pakati. (1 VaK. 13:5) Iyi i“nguva yokunyarara” nokuteerera. (Mup. 3:7) Naizvozvo, usangotaura-taura uye kungofamba-famba. Deredza nzendo dzokuchimbudzi nokufanozvigadzirira. Usadya kana kunwa kusvikira nguva yokuita kudaro yasvika, kunze kwokuti uine zvinetso zvoutano zvakakomba. Vaya vanouya nenhare dzeserura, makamera evhidhiyo, uye makamera havafaniri kuzvishandisa nenzira inoita kuti vamwe vavhiringidzwe. Vabereki vanofanira kurongera mhuri yavo yose—kusanganisira vari kuyaruka—kugara pamwe chete kuitira kuti vagonyatsotarisira vana vavo zvakanaka.—Zvir. 29:15.

8 Gore rakapera mumwe mukuru ave achipinda kokorodzano kwemakumi emakore akati: “Ndakaona kuti kokorodzano iyi yakanga yakasiyana nedzimwe nokuda kwechimwe chikonzero. Anenge munhu wose aiva muvateereri ainyora, kusanganisira vana vaduku. Zvaifadza kuona. MaBhaibheri aishandiswa zvakanaka vakurukuri pavaitaura kuti avhurwe pandima dzakati.” Kunyatsoteerera kwakadaro kunorumbidzwa chaizvo. Hakungobatsiri isu nevamwe vedu vari pakokorodzano asi kupfuura zvose kunopa mbiri Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha Mwari.—Isa. 30:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe