Kurongwa “Nenzira Yakafanira uye Nokurongeka”
1 Kuti kokorodzano yoruwa ibudirire, panofanira kuva nezvakawanda zvinoitwa. Dhipatimendi rinotarisira kokorodzano rinoronga nzvimbo yekokorodzano yakakodzera uyewo pokugara. Vanhu nemapoka emhuri vanoronga kuti vachafamba sei uye vachagarepi. Uye ungano dzinoronga mabasa adzo okuzvipira kuti dzigovere vashandi mumadhipatimendi akawanda anodiwa kutarisira kokorodzano. Chinangwa chacho ndechokuita kuti zvinhu zvose “zviitike nenzira yakafanira uye nokurongeka.”—1 VaK. 14:40.
2 Sezvaunoshandira pamwe nevaya vanoronga kokorodzano, yeuka kuti mwedzi—dzimwe nguva makore—zvokugadzirira zvinodiwa. Mazana ehama anopedzera nguva yakawanda achigadzirisa zvinhu. Izvi zvinosanganisira kuhaya zvivako, kuunganidza midziyo, uye kutsvaka vashandi. Kufanogadzirira ikoku kunoguma nokukomborerwa mumudzimu kwavose. Tingaita sei kuti tibatsire?
3 Shandirai Pamwe Nourongwa Hwepokugara: Zvinokosha kuti tose zvedu tishandire pamwe nourongwa hwekokorodzano. Izvi zvinonyanya kukosha patinoronga kwatichagara. Chaizvoizvo mazana edzimba anodiwa pakokorodzano imwe neimwe. Hama dzedu zhinji hadzina mari uye dzinofanira kugara mudzimba dzakachipa. Naizvozvo tiri kukumbira hama dzinogara mumaguta anoitirwa kokorodzano kuti dzizarurire misha yadzo vapindi vanobva kunze kwemaguta acho. Tinofanira kufunga nenzira yorudo zvinodiwa zvevamwe ndokusaramba ‘tichiva nehanya nezvinhu zvedu pachedu, asi tichivawo nehanya nezvinhu zvevamwe.’—VaF. 2:4.
4 Kunyatsoomerera kwatinoita kumirayiridzo yekokorodzano yokuwana pokugara kunoguma nokubatsirwa kwavose vanobatanidzwa. Kurega kuteerera mirayiridzo iyi kunokonzera zvinetso zvisina kufanira. Sei? Patinoshandira pamwe nemazano aya, vanoronga kokorodzano vachafanoziva kuti ndivanaani vakazarurira misha yavo vapindi vanobva kunze kweguta racho. Nezvekokorodzano dzose dzinoitirwa mumaguta, Sosaiti inokurudzira vapindi vose kugara mumisha yehama kana kuti mumahotera, kana vangakwanisa kuita kudaro. Hatisi kukurudzira kugara panzvimbo yekokorodzano sezvo izvi zvisiri kuita kuti tifambirane nezviri kuitwa nesangano raJehovha pasi pose—kureva kuti, kurega kugovera zvokudya pakokorodzano dzoruwa. Saizvozvowo, hatikurudziri kuhaya horo dzezvikoro kuti vapindi vekokorodzano vagare. Ichi ndicho chingava chinhu chokupedzisira kana tikakundikana kuita kuti vapindi vagare mumisha yehama. Mumakore akapfuura, vamwe havana kutaurira dare rekokorodzano kuti vanoda pokugara pachine nguva yakanaka. Vakamirira kusvikira kokorodzano yoda kutanga. Mune dzimwe nzvimbo, hama nehanzvadzi shomanana dzakabvuma kupa vapindi pokugara.
5 Dzimwe hama dzakauya kukokorodzano dzisina kumbofanoronga pokugara. Dzakazozviwana dzaungana mberi kweHofisi Yepokugara pakupera kwezuva rokutanga rekokorodzano. Izvi zvinopa chinetso hama dzinoronga kokorodzano uye hazviratidzi kuti tiri kuita zvinhu zvose “nenzira yakafanira uye nokurongeka.”
6 Kushandira Pamwe Kunokosha Kwatingaita: Pane zvinhu zviri nyore zvatingaita kuti tishandire pamwe nourongwa hwekokorodzano hwokuwana pokugara. (1) Zadza mafomu Okukumbira Pokugara uye ratidza kuti vangani vanoda pokugara kana uchigara kumaruwa. (2) Zadza fomu Rokupa Pokugara kana uchigara muguta rinoitirwa kokorodzano. (3) Usatarisira kuti zvose ndezvemahara—iva akagadzirira kupa mari hama kana hanzvadzi yauri kugara nayo. (4) Remekedza musha, fanicha, gadheni uye nzvimbo yakapoteredza zveari kukugamuchira.
7 Sezvo tiri vashumiri vaJehovha Mwari, tine mukana wokuratidza unhu hwake mune zvose zvatinoita. Izvi zvinosanganisira kuronga uye kupinda kokorodzano dzinotaurwa nezvezita raMwari. Yeuka kuti “ndiMwari, kwete wenyongano, asi worugare.” (1 VaK. 14:33) Saka ngatishingei kuita kuti vacherechedzi vose vanzwisise unhu hwaJehovha uhwu pane zvavanoona patiri—mufambiro uye kuzvibata kwedu sezvatinoronga uye zvatinopinda Kokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari.” Vacherechedzi vane mwoyo yakatendeseka ngavasvike pakuziva kuti mapoka evanhu vaJehovha vakaungana akarongwa “nenzira yakafanira uye nokurongeka.”—Pis. 68:26.