RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/01 p. 1
  • Manyengetedzero Atingaita Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Manyengetedzero Atingaita Vamwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kusvika Mwoyo Nounyanzvi Hwokunyengetedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Batsira Vamwe Kugamuchira Shoko roUmambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nyengetedza Paunenge Uchidzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Tinofanira ‘Kupindura’ Sei Munhu Mumwe Nomumwe?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 2/01 p. 1

Manyengetedzero Atingaita Vamwe

1 Muapostora Pauro akawana mukurumbira wokuva mushumiri anonyengetedza. (Mab. 19:26) Kunyange Mambo Agiripa akamuudza kuti: “Ungandinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi.” (Mab. 26:28) Chii chaiita kuti ushumiri hwaPauro hunyengetedze zvakadaro? Airangarira zvine pfungwa kubva muMagwaro, achichinjira hurukuro dzake kuvateereri vake.—Mab. 28:23.

2 Tichitevedzera Pauro, isuwo tinofanira kunyengetedza muushumiri hwedu. Sei? Nokushandisa nzwisiso pakutaura nevamwe uye kuvateerera. (Zvir. 16:23) Nhano nhatu dzinokosha dzichatibatsira kuita izvi.

3 Nyatsoteerera: Mumwe munhu paanenge achitaura, teerera pane chamunobvumirana chaungatangira pachiri. Kana akaramba kudavira zvaunotaura, edza kuona chikonzero chacho. Zvaizobatsira kuziva chaizvoizvo zvaanodavira, nei achizvidavira, uye zvakamuita kuti adaro. (Zvir. 18:13) Nokungwarira ita kuti ataure.

4 Bvunza Mibvunzo: Kana munhu achitaura kuti anodavira Utatu, ungabvunza kuti: “Makagara muchidavira Utatu here?” Wozoti: “Makambonyatsodzidza zvinotaura Bhaibheri panyaya yacho here?” Ungabvunzawo kuti: “Kudai Mwari ari Utatu, taisagona kutarisira kuti Bhaibheri raizotaura kudaro zvakajeka here?” Mhinduro dzaunowana dzichakubatsira kukurukura zvinotaura Magwaro nomunhu wacho.

5 Shandisa Mienzaniso Yakanaka: Chimwe Chapupu chakabvunza mumwe mukadzi aidavira kuti Jesu aiva Mwari chichiti: ‘Kana muchiedza kuenzanisira kuti vanhu vaviri vakaenzana, ukamai hwemhuri hwamungashandisa?’ Akapindura kuti: “Ndingashandisa mukoma nomunun’una.” Chakatizve: “Zvichida kunyange mapatya. Asi mukutidzidzisa kuti tione Mwari saBaba uye iye soMwanakomana, Jesu akanga ari kupa shoko rokutii?” Mukadzi wacho akaona kuti mumwe mukuru uye ane chiremera chikuru. (Mat. 20:23; Joh. 14:28; 20:17) Pfungwa dzake nomwoyo zvakanga zvabayiwa nounyanzvi hwokunyengetedza.

6 Hungu, havasi vose vanogamuchira chokwadi, pasinei nokuti mharidzo dzedu dzingave dziine musoro uye dzakarurama zvakadini. Asi saPauro, ngatishingairirei kutsvaka vane mwoyo yakatendeseka mundima yedu, tichivanyengetedza kugamuchira shoko roUmambo.—Mab. 19:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe