Rumbidza Jehovha Nokuita Mabasa Akaisvonaka
1 Mvura ine simba ikakubatira panzira, zvakanaka sei kuti uwane pokuvanda! Kana mukati macho muchidziya uye makachengeteka uye kana vagari vemo vachigamuchira vaeni, unofara kugaramo. Basa rokuparidza Umambo rinotungamirira vanhu kunzvimbo yakadaro yokuvanda nyika yaSatani. Mufambiro wedu wezuva nezuva ungabatsira vamwe kuona kuti iyi nzvimbo yokuvanda yakachengeteka inokwezva here? Hungu, nokuti Jesu akati vanhu vaizo‘ona mabasa edu akanaka kwazvo ndokupa mbiri kuna Baba vedu vari kumatenga.’—Mat. 5:16.
2 Tingaita sei kuti mabasa edu agokwezvera vamwe kuna Jehovha nesangano rake? Nokuita kuti mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 6:31 ne 10:27 aumbe upenyu hwedu zuva rimwe nerimwe. Izvi zvichatiita kuti tive nehanya nevamwe vanhu, tichizvisiyanisa nenyika ino isina ushamwari uye isina hanya.
3 Imwe hanzvadzi yaiva mungarava yakacherechedza mumwe mukadzi wechiduku airwariswa nerwendo rwomumvura zvokuti akanga asingakwanisi kutarisira mwana wake muduku. Hanzvadzi yacho yakati yaida kutarisira mwana wacho. Mukadzi wacho paakabvunza kuti oitenda sei, hanzvadzi yacho yakati: ‘Ndapota teerera Zvapupu zvaJehovha pazvichakushanyira.’ Mukadzi wacho akazviita, uye iye zvino iye nomurume wake Zvapupu. Mabasa akaisvonaka akaita kuti vabvume shoko roUmambo.
4 Upenyu Hwedu Hwose Hunobatanidzwa: Mufambiro wedu munharaunda, patinenge tiri kubasa kana kuti kuchikoro, uye panguva dzenhandaro unoita kuti vamwe vafunge chimwe chinhu nezvedu uye nezvechitendero chedu. Nokudaro, tinoita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Vacherechedzi vanondiona sei nemhuri yangu? Vavakidzani vanoona imba yedu nechivanze zvakachena uye zvichinyatsochengetedzwa here? Vatinoshanda navo nevatinodzidza navo kuchikoro vanotiona setinochengeta nguva uye setinoshingaira here? Vamwe vachaona tichitarisika zvine mwero uye zvinoremekedzeka here?’ Mabasa edu akaisvonaka angaita kuti kunamata Jehovha kufadze vamwe zvikuru.
5 Petro akanyevera kuti vaKristu vaizosekwa. (1 Pet. 4:4) Tinofanira kuva nechokwadi chokuti mufambiro wedu haukonzeri kutaura kwakaipa. (1 Pet. 2:12) Kana mabasa edu ezuva nezuva achirumbidza Mwari watinonamata, ipapo tichava semarambi akasimudzwa, anokwezva vamwe kuzovanda panzvimbo yakachengeteka inogoverwa naJehovha.—Mat. 5:14-16.