RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/01 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 12
  • Vhiki Inotanga naFebruary 19
  • Vhiki Inotanga naFebruary 26
  • Vhiki Inotanga naMarch 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 2/01 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naFebruary 12

Rwiyo 6

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Vhidhiyo inonzi The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book ichakurukurwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naFebruary 26. Kukurukurirana kwacho kuchavakirwa pamibvunzo iri papeji 7 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo huno.

15 min: “Rumbidza Jehovha Nokuita Mabasa Akaisvonaka.”a Taurawo mashoko ari mubhuku rinonzi Vazivisi, papeji 187, ndima 2-3.

20 min: “Manyengetedzero Atingaita Vamwe.” Kukurukurirana kunoita muitisi weChidzidzo Chebhuku Cheungano napiyona kana kuti nomuparidzi anobudirira, kwakavakirwa panyaya uyewo pfungwa dzakasarudzwa dziri muNharireyomurindi yaMay 15, 1998, mapeji 21-3. Ongorora bhokisi riri papeji 23, rakanzi “Kusvika Mwoyo Womudzidzi Wako.” Pashure pokusarudza imwe dzidziso yechitendero chenhema yakakurumbira mundima yeungano, kurukura zvaungaita kuti munhu atende zvinotaurwa neBhaibheri panhau yacho.

Rwiyo 208 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 19

Rwiyo 221

8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

22 min: “Zivisa Zita raJehovha Nezvaakaita.”b Mukuru anotaura zvirongwa zvinokosha zviri kuitwa muungano zvebasa rakawedzerwa muna March naApril, kusanganisira kuedza kukurudzira vakawanda sevanobvira kuti vaite upiyona hwebetsero. Ita kuti vamwe vakapayona April wapfuura vataure kugutsikana kwavakawana nokuita kudaro. Simbisira pakubatsira muparidzi wose asingachaiti basa anokwanisa kuti abatanezve nesu mubasa uyewo pakubatsira vana nevamwe vanodzidza Bhaibheri kuti vave vaparidzi vasina kubhabhatidzwa.—Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2000.

Rwiyo 27 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 26

Rwiyo 48

8 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaFebruary.

12 min: Mharidzo Dzakafungwa Nezvadzo Nokuda Kwebhuku Rinonzi Zivo. Unofunga nezvemharidzo yokugovera bhuku rinonzi Zivo muna March here? Kana ukatarira pamapeji okupedzisira oUshumiri Hwedu hwoUmambo hwakapfuura, uchaona mazano okutanga kushanya, akawanda acho ane pfungwa dzokudzokerazve. Dzokorora mbiri kana nhatu dzemharidzo idzi dzakafungwa nezvadzo. (December 1995; March, June, November 1996; June 1997; March 1998) Enzanisira mazano maviri ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1996 okushandisa kusvika kwakananga pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Kurudzira munhu wose kuita zvose zvaangagona kutanga zvidzidzo zvitsva.

25 min: “Kuwedzera Kuda Vhidhiyo Inonzi The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book.” Kurukura nevateereri uchishandisa mibvunzo iri papeji 7. Simbisa chokwadi chokuti nemaBhaibheri akazara kana kuti asina kuzara anopfuura mamiriyoni 100 mumitauro 37, Shanduro Yenyika Itsva nderimwe remaBhaibheri anoparadzirwa zvikuru. Muna April tichaongorora vhidhiyo yechitatu munhevedzano iyi inonzi, The Bible—Its Power in Your Life. Kana kuti mukuru angapa hurukuro ine musoro unoti “Kushumira Mwari Nepfungwa Inoda” inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2000, mapeji 21-3.

Rwiyo 64 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 5

Rwiyo 81

5 min: Zviziviso zveungano.

18 min: “Jehovha Anopa Simba.”c Batanidza mashoko anobva muvateereri emashandiro anoita magwaro.

22 min: “Kupupura Norunhare Kunobudirira.”d Inopiwa nomutariri webasa. Taurawo kurudziro iri muNharireyomurindi yaDecember 15, 1999, papeji 23, ndima 17. Kurukura bhokisi rakanzi “Unotii Kumuchina Wokudavira?” riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2000. Tsanangura kuti indima dzipi dzakarongerwa kupupura norunhare. Ita kuti zviitiko zvishomanana zvipfupi zvirondedzerwe zvinoratidza kubudirira kwebasa iri muungano. Kana kuti mukuru angapa hurukuro yakavakirwa panyaya inoti “Mhanyai Saizvozvo” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2001.

Rwiyo 108 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe