Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 8
7 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
13 min: “Chiedza Chenyu Ngachivheneke.”a Taurawo mashoko ari muNharireyomurindi yaJune 1, 1997, peji 15, ndima 12-13. Kurudzira vose kushandisa mukana uri wose wokupupura.
25 min: Gadziriro Dzorudo Dzokutarisira Utano Hwedu. (Mab. 15:28, 29) Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa, achidzokorora tsamba yeSosaiti yomusi waJanuary 1, 1991. Musangano uno wapera, Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvingawana kadhi idzva reAdvance Medical Directive/Release, uye vaya vane vana vaduku vasati vabhabhatidzwa vangawana Identity Card romwana mumwe nomumwe. Makadhi aya haafaniri kuzadzwa manheru ano. Anofanira kuzadzwa kumba asi KWETE kusainwa. Kusaina, kupupurira, uye kuisa musi pamakadhi zvichaitwa kana Chidzidzo Chebhuku Cheungano chinotevera chapera, muitisi wechidzidzo chebhuku achibatsira pazvinenge zvichidiwa. Musati masaina, ivai nechokwadi chokuti makadhi azadzwa zvakakwana. Avo vari kusaina sezvapupu vanofanira kunyatsoona muridzi wekadhi achisaina gwaro racho. Vachiita kuti mutauro uri pakadhi iri uwirirane nemamiriro avo ezvinhu nezvavanodavira, vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora gwaro ravo pachavo nevana vavo. Vaitisi vechidzidzo chebhuku vanofanira kuva nechokwadi chokuti vose vari muboka ravo vabatsirwa zvavanoda kuti vazadzise kadhi reAdvance Medical Directive/Release. Kuti rinyatsodzivirira zvakanakisisa zviri pamutemo, gwaro iri rinofanira kuzadzwa rose.
Rwiyo 1 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 15
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: Uri Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva Here? Hurukuro nokubvunzurudza. Kurukura Nharireyomurindi yaDecember 15, 1996, mapeji 17-18, ndima 12-14, uchisimbisa uchenjeri hwokukurukura rugwaro rwezuva nezuva semhuri. Bvunzurudza nhengo dzemhuri, imwe neimwe inoyeuka kukurukurwa kworugwaro rwezuva nezuva kuchangobva kuitwa kwakaratidza kubatsira zvikuru uye dzinopa chikonzero chacho. Simbisa kuti izvi zvinofanira kuva imwe yepurogiramu yenguva dzose yechidzidzo chemhuri chakarongedzerwa kusimbisa mhuri dzedu uye kuchengeta mhuri ichishingaira muushumiri.
Rwiyo 67 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 22
7 min: Zviziviso zveungano.
18 min: Kugadzirira Kwaungaita Sumo. Hurukuro nemienzaniso. Dzokorora pfungwa huru dziri mubhuku rinonzi Kurangarira, papeji 9. Ratidza masarudzire atingaita sumo dzakanyatsokodzera nzira yatinoita nayo, unhu, uye ndima. Dzokorora sumo dzokuenzanisira dzingashandiswa nebhurocha rinonzi Anodei, uye ita kuti imwe kana kuti mbiri dzadzo dzienzanisirwe. Kurudzira munhu wose kuti ashandise zvakanaka mazano ari mubhuku rinonzi Kurangarira uye muUshumiri Hwedu hwoUmambo mubasa rake romumunda.
20 min: “Iva Muteereri Akanaka.” Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Dzokorora pfungwa dziri muBhuku Rinotungamirira reChikoro, mapeji 27-8, ndima 15-17. Chinoedza zvakanakisisa miitiro yedu yokuteerera kuwanda kwezvatinogona kuyeuka. Kumbira vateereri kutaura pfungwa dzinokosha dzakurukurwa nevanga vari paChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari nhasi.
Rwiyo 96 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 29
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Taura mabhuku achagoverwa muna February, uchiratidza kuti mabhuku api ayo ungano inawo.
15 min: Tichadzidza Bhuku rinonzi Mufarwa Wemhuri. Hurukuro inobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 1997, papeji 7, inovaka tariro yokudzidza kweungano bhuku rinonzi Mufarwa Wemhuri. Kurudzira pwere kubatanidzwa mukukurukurirana kwevhiki nevhiki pachidzidzo chebhuku. Vose vachada kupinda nguva dzose, vachida kudzidza zvakawanda sezvavangagona nezvokubatsira kuti mhuri ive nomufaro.
20 min: “Vabereki—Pinzai Zvishoma Nezvishoma Miitiro Inobatsira Muvana Venyu.” Hurukuro nokubvunzurudzwa kwevabereki vane vana vari kuita zvakanaka mumudzimu. Vabereki vacho vanotaura zvinhu zvakanaka zvavakaita kuita kuti vana vavo vaitewo ushumiri hwomumunda. Kana nguva ichibvumira, taurawo mazano ari mubhuku rinonzi Mufarwa Wemhuri, mapeji 55-9.
Rwiyo 149 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 5
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Iva Muiti Anofara.”b Ratidza zvinowedzera mufaro wedu mubasa raMwari, sezvakaratidzwa mubhuku rinonzi Insight, Volume 2, papeji 120, ndima 6-8.
20 min: Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka. Boka remhuri rinokurukura mashoko ari mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 131-2, pasi pomusoro unoti “Nhandaro,” uye mapeji 135-6, pasi pomusoro unoti “Itai Zvose Nokuda Kwokukudzwa kwaMwari.” Simbisa basa revabereki mukutungamirira uye kuti nhengo dzemhuri dzinofanira kushandira pamwe kuti mhuri yose ibatsirwe. Taura nezvevaraidzo dzingave dzakanaka. (Onawo Mukai! yaJune 8, 1997, mapeji 18-21.)
Rwiyo 190 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.