RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/00 p. 1
  • Uri Kutsungirira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kutsungirira Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Ucharamba Uchifamba Muzvokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Tsungiriro—Inokosha Nokuda kwamaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 8/00 p. 1

Uri Kutsungirira Here?

1 “Handina chikonzero chikuru zvikuru chokuonga kupfuura zvinhu izvi, . . . kuti vana vangu vanopfuurira kufamba muchokwadi.” (3 Joh. 4) Kutsungirira kwevana vomudzimu vaJohani kwakamuunzira mufaro mukuru. Zvinofanira kufadza Baba vedu vokudenga sei kuona mamiriyoni evangazova vana vavo achi“pfuurira kufamba muchokwadi”!—Zvir. 23:15, 16; 27:11.

2 Nepo vanhu vaMwari vose vari kupfuurira mubasa rechiKristu nokushingaira, vamwe vakaderera zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo ava vangava vaimbova nesimba pavakatanga kudzidza chokwadi, nokufamba kwemakore, vakatanga muitiro wokungoshanda zvishoma kana kuti kusava venguva dzose mubasa rokuita vadzidzi.

3 Zvinonzwisisika kuti vamwe vangave vakaderera nemhaka yokuremara uye migumisiro yokukwegura. Zvisinei, vanofanira kurumbidzwa nokuda kwokutsungirira kwavanoita. Vari kuita zvavanogona. Asi mumwe nomumwe akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndakazvibvumira kuisa pfungwa dzangu zvakanyanya pazvinhu zvandinotsvaka zvokuti zvinhu zvoUmambo zvinongova nenzvimbo duku muupenyu hwangu here? Ndava kuti ‘dziyei,’ kana kuti ndichiri kuzvishandisa “nesimba” here?’ (Zvak. 3:15, 16; Ruka 13:24) Tose zvedu ngatifungei tichinyengetera pamusoro pezvatiri kuita ndokuvandudza panenge pachifanira kuvandudzwa, tichiziva kuti Jehovha anopikira kupa “mbiri nokukudzwa norugare nokuda kwomunhu wose anoita zvakanaka.”—VaR. 2:10.

4 Nzira Yatingatsungirira Nayo: Chii chakabatsira Jesu kuti atsungirire? Pauro akatsanangura achiti: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaH. 12:1-3) Mufaro wakaiswa pamberi paJesu wakapfuura kwazvo miedzo yenguva duku yaaifanira kutarisana nayo. Kuyeuka mufaro uri mberi kwedu kungatibatsirawo kutsungirira. (Zvak. 21:4, 7; 22:12) Kana tikatarira kuna Jehovha kuti atipe simba nokudzidza somunhu oga, kupinda misangano nguva dzose, uye kuramba tichinyengetera, tichakwanisa kupfuurira mubasa raakatipa kuti tiite.

5 Jehovha anofarira kutsungirira kwavanhu vake vakavimbika. Saka ngatiwedzerei mufaro wake nokuramba tichi“famba muchokwadi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe