Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naAugust 14
12 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Taura nezvomushumo webasa romumunda waApril wenyika neweungano. Kwangosara kupera kwevhiki kuviri muna August, saka kurudzira munhu wose kuti ashande muushumiri mwedzi usati wapera. Taura purogiramu yokupera kwevhiki yemisangano yebasa romumunda.
15 min: “Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda.” Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro. Tora tsinhiro dzokuwedzera mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 44-5, pamusoro pokuti vaitisi veChidzidzo Chebhuku Cheungano vanoronga sei basa romumunda ramapoka avo ndokubatsira vapi navapi vanoda kubatsirwa somunhu oga kuita uye kushuma ushumiri hwavo nguva dzose.
18 min: Kubatsirwa Kwaungaita Nokuenda Kuchikoro. Baba vanotaura navana vavo kuti vavabatsire kuona chikonzero nei dzidzo yokunyika ichibatsira. (Ona bhuku rinonzi Vechiduku, mapeji 133-9.) Pwere dzakawanda dzinofunga kuti kuenda kuchikoro chinetso chaicho munzanga yanhasi isingadzoreki. Dzinofinhwawo, dzichigumisa kuti zvadzinodzidza zvichave zvisinganyanyi kukosha. Baba vanotaura nheyo dzomuMagwaro uye zvikonzero zvakanaka nei kuri kuchenjera kuwana dzidzo yokunyika yakakwana. Vanokurudzira vana vavo kudzidza zvakanaka uye kuteerera mukirasi.
Rwiyo 127 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 21
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Iva nomuenzaniso webasa romumunda wakanyatsodzokororwa unoratidza mapindurirwe angaitwa mubvunzo wokuti: “Nei Mwari worudo aizobvumira kutambura kupfuurira kwenguva yakareba zvakadai?” (Bhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 151-2) Kurudzira munhu wose kushanda muushumiri kupera kwevhiki kuno.
8 min: “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.” Hurukuro. Zivisa musi wegungano chairo rinotevera, kana uchizivikanwa, uye kurudzira vose kupinda zuva rose. Kurudzira vaparidzi kukoka vatsva vanofarira uye vadzidzi veBhaibheri.
25 min: “Uri Kuzvibatsira Here?” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 152 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 28
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vose kuisa mishumo yebasa romumunda yaAugust. Vaitisi veChidzidzo Chebhuku Cheungano vanofanira kubvunza vanhu vose muboka ravo kuitira kuti mishumo yose ive yaverengwa panosvika September 6.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: “Misangano Inobatsira Vechiduku.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro kunoitiswa nomukuru. Pakukurukura ndima 8, funga zvimwe zvinhu zvinoshanda zvinosimudzira kufunga zviri nani nokuteerera pamisangano. (Ona Mukai! yaOctober 8 1998, mapeji 23-4.) Kurudzira vabereki kuti vasimbe pakuita kuti vana vavo vapinde misangano yose nguva dzose.—Ona chakaitika chiri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1997, peji 25.
Rwiyo 176 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 4
15 min: Zviziviso zveungano. Bhokisi Remibvunzo. Ita kuti vaparidzi varondedzere zvakaitika zvavakava nazvo pavaipupurira zvisina kurongwa pakuenda kukokorodzano yoruwa, pavakanga variko, kana kuti vachibvako.
10 min: Nguva Yedu Ndiyo Chaiyo. Hurukuro inopiwa nomukuru, inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 1996, peji 23.
20 min: “Uri Kutsungirira Here?” Hurukuro nokukurukurirana navateereri. Kurudzira vose kufunga nezvokubudirira kwavo somunhu oga mukuratidza kutsungirira muushumiri hwechiKristu. Kana kusava nesimba kukava pachena, pane kudiwa kwokuzvisimbisa mumudzimu. Batanidza tsinhiro dziri muNharireyomurindi yaOctober 1, 1999, mapeji 20-1, ndima 17-21. Kumbira vaparidzi vaviri kana vatatu vakatsungirira nokutendeka kwemakore akawanda kuti varondedzere zvavari kuita kuzvibatsira kutsungirira.
Rwiyo 206 nomunyengetero wokugumisa.