RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/00 p. 1
  • “Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • ‘Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Kurwa Kwakanaka Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kuwedzera Ushumiri Hwedu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 8/00 p. 1

“Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda”

1 Muapostora Pauro akarayira Timoti ku“rwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.” (1 Tim. 6:12) Pauro pachake akararama maererano namashoko iwayo. Gare gare muupenyu hwake, akataura nechivimbo kuti akanga arwa kurwa kwakanaka pachake. (2 Tim. 4:6-8) Munzira dzose, akaita ushumiri nokusatya, nokushinga, uye nokutsungirira. Nokutevedzera muenzaniso wake, tingava nechivimbo chomumwoyo chakadaro chokuti tiri kuita zvakanakisisa zvatinogona mukurwira kwatinoita kutenda kwechiKristu.

2 Shandisa Kushingaira Kunodiwa: Pauro akashanda zvakaoma muushumiri. (1 VaK. 15:10) Ndozvatinoitawo sezvatinotsvaka kuwana vakafanira vari mundima medu. (Mat. 10:11) Kuti tikurukure navamwe vavo, zvingareva kumuka mangwanani-ngwanani ndokupupurira vaya vatinoona mumugwagwa. Kana kuti zvingareva kushanda zuva rava kuda kuvira kana kuti kutanga kwamanheru kuti tione vanhu pashure pokunge vadzoka kumisha yavo.

3 Zvinoda kuzviranga nokuronga zvakanaka kuti tisvike nenguva patinosangana neboka redu rechidzidzo chebhuku nokuda kwebasa romumunda. Somuenzaniso, dzimwe dzenhengo dzemhuri yeBheteri dzinofamba maminiti anosvika 60 kuenda chete kuti dzinoshanda muushumiri pakupera kwevhiki neungano dzadzo dzadzakagoverwa. Uyewo, tingayemura vamwe vaparidzi uye mhuri dziri muungano medu dzinofamba mufambo wakati asi dzinosvika panguva. Mienzaniso yakadaro yokushingaira neyokurongeka kwomunhu oga inofanira kutevedzerwa.

4 Tinofanira kunzwa tichida kutevera vose vatinenge tawana vachifarira. Kunyange patinogovera mabhuku mumugwagwa kana kuti nenzira isina kurongwa, tinoda kuedza kuwana kero yomunhu wacho kana kuti nhamba dzorunhare. Ipapo tingamuridzira runhare kuti tikudziridze kufarira ndokuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri.

5 Iva Wenguva Dzose Mubasa: Pauro aiva wenguva dzose uye aiparidza kwazvo. (VaR. 15:19) Zvakadini newe? Unoshanda nguva dzose muushumiri here? Wati washanda mubasa romumunda here mwedzi uno? Vaitisi veChidzidzo Chebhuku Cheungano vanofarira kuona kuti munhu wose ari muboka ravo anoshanda muushumiri muna August. Vachakubatsira kuita izvozvo.

6 Nokutevedzera muenzaniso waPauro wokutsigira zvakazara mashoko akanaka, ticharamba tichi“rwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe