“Zvinhu Zvose Ngazviitike Nokuda Kwokuvaka”
1 Mukubata nehama dzedu, tinofanira kuita zvakanaka zvinoita kuti dzivakwe. Izvi zvinoreva kuva nehanya nokudzivirira zvadzinofarira mumudzimu. Kana tikabatanidzwa mumhando yakati yebasa rokunyika rinosanganisira kusimudzira chigadzirwa kana kuti basa, tinofanira kungwarira kuti hapana chatinoita chichagumbura hama dzedu.—2 VaK. 6:3; VaF. 1:9, 10.
2 Vamwe vakabatanidzwa muzvirongwa zvemabhizimisi zvakasiyana-siyana, vachitarisira kuti vaKristu vavanonamata navo vazova vatengi vanobvira. Mamwe masangano anoita basa rokutengesa anokurudzira vamiririri vawo kuona munhu wose seanobvira kuva mutengi—kusanganisira vaya vechitendero chimwe navo. Dzimwe hama dzakaronga kuti Zvapupu zvakawanda zviungane nechinangwa chokuzvikurudzira kuti zvibatanidzwe mune rimwe bhizimisi. Vamwe vanosimudzira zvirongwa zvavo zvebhizimisi nokupa vavanotenda navo zvinhu, mabhurocha, mashoko anowanikwa paInternet, kana kuti matepi avanenge vasina kukumbira. Zvaizova zvakanaka here kuti muKristu ashandise kuzivana kwaanoita nehama dzake dzomudzimu mukunamata Mwari somukana wokuti zvimunakire? Kwete!—1 VaK. 10:23, 24, 31-33.
3 Hama Dzinofanira Kuchenjerera: Izvi hazvirevi kuti muKristu haangaiti bhizimisi neimwe hama. Iyoyo inhau yomunhu oga. Zvisinei, vamwe vanotanga zvirongwa zvebhizimisi zvinokurudzira makaro, uye vanokurudzira vavanotenda navo kuti vashande navo kana kuti vapinze mari. Zvirongwa zvakawanda zvemabhizimisi aya hazvibudiriri, zvichiita kuti vanobatanidzwa varasikirwe nemari yakawanda. Kunyange zvazvo vaya vakabatanidzwa mubhizimisi racho vangave vakakurudzirwa nechido chokuwana mari nokukurumidza, akaronga wacho haafaniri kufunga kuti haana mhosva kana bhizimisi racho rikakundikana. Anofanira kufanofunga zvakanaka kukanganiswa kungaitwa kubudirira kwomudzimu nekwokunyama kwehama dzake kana zvikaita kuti chirongwa chebhizimisi racho hachibudiriri. Vaya vane nzvimbo dzomutoro wokutonga kunoitwa naMwari vanofanira zvikurukuru kungwarira mabhizimisi avo enyika nokuti vamwe vangavatarira noruremekedzo ndokuvimba navo zvikuru. Zvaizova zvakaipa kushandisa zvisina kururama chivimbo ichocho. Kana hama ikarega kuremekedzwa navamwe ingarasikirwa neropafadzo dzebasa dzvene.
4 Vavariro yedu inofanira kuva yokuita kuti ‘zvinhu zvose zviitike nokuda kwokuvaka.’ (1 VaK. 14:26) Tinofanira kudzivisa kuita chinhu chipi nechipi chinopinza mabasa okutengeserana muungano kana kuti kuasimudzira. Zvinhu zvakadaro hazvinei chokuita nezvikonzero zvedu zvomuMagwaro zvokuungana pamwe chete.—VaH. 10:24, 25.