“Hatingaregi Kutaura”
1 Jesu Kristu ari kunyatsotarisira basa rokuparidza. (Mat. 28:20; Mako 13:10) Kunyange zvazvo kune vazivisi vanoshingaira vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu vanopupurira munyika 234, hatifaniri kufungidzira kuti kupupurira kwedu kwapera. Kusvikira Mwari azivisa kuti basa raitwa, “hatingaregi kutaura” pamusoro pezvinhu zvatakadzidza.—Mab. 4:20.
2 Vimba Nomudzimu waMwari: Satani anodzvinyirira zvikuru kuti atiodze mwoyo. (Zvak. 12:17) Nyama yedu isina kukwana inotitambudzawo nezvinetso zvakawanda. Zvinhu zvakadaro zvingatsausa kufunga kwatinoita basa rinokosha kwazvo rokuparidza. Kunyange zvakadaro, kana tichivimba naJehovha, mudzimu wake uchatibatsira kutarisana nechibingamupinyi chipi nechipi.
3 Ungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga payakatambudzwa kwazvo, hama dzakanyengetera kuna Mwari kuti adzibatsire kuramba dzichitaura shoko rake dzisingatyi. Jehovha akapindura munyengetero wadzo, achidzizadza nomudzimu wake uye achidzipa ushingi nokutsunga kwaidiwa kuti dzirambe dzichiparidza. Somugumisiro, dzisingaregi dzakaramba dzichizivisa mashoko akanaka dzisingatyi.—Mab. 4:29, 31; 5:42.
4 Usatya Kutaura Kwakaipa: Pfungwa dzavose kana kuti kupomerwa zvenhema zvingaita sezvinotityisidzira. Zvisinei, yeuka kutaura kwokusatya kwakaita Petro navamwe vaapostora kuSanihedrini, kwakanyorwa pana Mabasa 5:29-32. Sokubvuma kwakaita mudzidzisi woMutemo Gamarieri, basa raMwari haringakundwi. Hariitwi nesimba redu. Basa guru iri rinotsigirwa naMwari, uye iye bedzi ndiye angariita!—Zek. 4:6.
5 Zuva nezuva ngatikumbirei Jehovha kuti mudzimu wake utibatsire kuzivisa mashoko akanaka nokushingaira. Ngatitaurei, sezvakaitwa naJeremia, kuti shoko roUmambo rakaita somoto unopfuta mumapfupa edu. (Jer. 20:9) Hatinganyarari!