RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/00 pp. 2-7
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJuly 10
  • Vhiki Inotanga naJuly 17
  • Vhiki Inotanga naJuly 24
  • Vhiki Inotanga naJuly 31
  • Vhiki Inotanga naAugust 7
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 7/00 pp. 2-7

Purogiramu Yomusangano Webasa

CHERECHEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki yoga yoga mumwedzi iri kuuya. Ungano dzingagadziridza kuti dzigone kupinda Kokorodzano Yoruwa. Pazvakakodzera, shandisai maminiti 15 paMusangano Webasa wokupedzisira kokorodzano isati yasvika kukurukura zano riri muwedzero yomwedzi uno. Kurudzirai munhu wose kutarira purogiramu yakadhindwa purogiramu yoga yoga isati yatanga ndokutarisira zvingakurukurwa. Izvi zvichaita kuti zvive nyore kuisa pfungwa papurogiramu ndokunyora zvinonyorwa zvishoma asi zvine musoro. Vhiki mbiri kusvika kuina dzinouya pashure pekokorodzano, kudzokorora kwamaminiti 30 kunofanira kurongwa paMusangano Webasa. Panguva iyoyo, mumwe nomumwe achange akagadzirira kupa tsinhiro pfupi paanenge akumbirwa kuita izvozvo nehama nhatu dzinokwanisa dzakagoverwa kuita chikamu ichi. Tsinhiro dzakadaro dzingaratidza kuti zvakadzidzwa pakokorodzano zvinoshanda sei muupenyu hwomunhu pachake. Chakaitika chimwe kana kuti zviviri zvipfupi, zvakasarudzwa zvingarondedzerwa. Kugadzirira kwakanaka kunoitwa navose ndiko kunokosha kuita kuti chikamu choMusangano Webasa ichi chinakidze uye chirayiridze.

Vhiki Inotanga naJuly 10

Rwiyo 7

12 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Taura nezvomushumo webasa romumunda waMarch wenyika noweungano. Kurukura bhokisi rakanzi “Tarira Papeji Yokupedzisira,” uye enzanisira imwe yemharidzo dziripo inganyatsoshanda mundima yenyu.

15 min: “Unoonga Zvinhu Zvitsvene Here?” Hurukuro inopiwa nomukuru. Simbisa kukosha kwokupinda mazuva ose matatu ekokorodzano yoruwa.

18 min: “Zvinhu Zvenyu Zvose Ngazviitike Norudo.” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro. Rondedzera zvimwe zvezvinetso zvinomuka vanhu pavanokundikana kuita maererano nenhungamiro dzinopiwa dzokuwana pokugara.

Rwiyo 15 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 17

Rwiyo 23

15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Tsanangura muchidimbu mashandisirwe angaitwa bhurocha rinonzi Zita raMwari kubatsira munhu anofarira kuonga kudiwa kwokuziva nokushandisa zita raMwari.—Ona bhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 93-4.

15 min: “Teerera Mashoko Matsvene.” Mibvunzo nemhinduro. Simbisa zvikonzero nei tose zvedu tichifanira kugara pazvigaro zvedu panotanga purogiramu yoga yoga.

15 min: “Ramba Une Mufambiro Wakanaka Kwazvo Unopa Mbiri Kuna Mwari.” Mukuru anokurukura nyaya yacho neboka remhuri. Vanotaura zvavanoda kuita kuti varambe vakarongeka, vane tsika dzakanaka, vakachena, uye vane chitarisiko nomufambiro zvomuenzaniso munzvimbo dzavose.

Rwiyo 34 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 24

Rwiyo 45

5 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Kuzvirumbidza Savashumiri vaMwari. Vashumiri vanoshumira vaviri vanokurukura zano raMagwaro riri muNharireyomurindi yaDecember 15, 1998, mapeji 19-20. Vanoonga kudiwa kwokuita zvakanaka kwazvo savashumiri vanoshumira uye vanotaura zvavangaita ivo pachavo kuratidza kuti vari kuita migove yavo. Vanoona kukosha kwokuva mienzaniso yakanaka muushumiri hwomumunda ndokukurukura nzira dzavangabatsira nadzo vakuru kuyamura vamwe somunhu oga. Vanobvumirana kuti vanoda kuita zvose zvavangagona kubatsira ungano kuti ikoshese kukurumidza kwenguva ndokuwedzera uye kubudirira mumudzimu.

10 min: Kunyorera Tsamba Vanhu Vatisingakwanisi Kuwana. Hurukuro nokukurukura navateereri. Sezvo kuwana vanhu pamba kuri kuramba kuchiwedzera kunetsa, vamwe vaparidzi vanowana migumisiro yakanaka nokunyora tsamba. Funga nezvenhungamiro idzi. Tsamba dzinofanira kuva pfupi, dzinotaura zviri muMagwaro, uye dzinoremekedza. Usatumira tsamba dzisina zita. Nyora kana kuti taipa zvakanaka uye zvinoravika. Isa kero yeHoro yoUmambo nenguva yemisangano yeungano uye mukoke kuti apinde. Usashandisa kero yeSosaiti nokuda kwemhinduro. Dzokorora mazano ari muBhuku Rinotungamirira reChikoro, mapeji 87-8, uye Bhokisi Remibvunzo romuUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1996.

15 min: “Hatingaregi Kutaura.” Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro. Simbisa zvikonzero nei tichiita basa redu rokuparidza nomwoyo wose. Batanidza pfungwa dzakakodzera dziri muNharireyomurindi yaJanuary 15, 1997, mapeji 23-4.

Rwiyo 54 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 31

Rwiyo 66

15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vose kuisa mishumo yebasa romumunda yaJuly. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvavo zvavakava nazvo mwedzi uno pavaigovera mabhurocha.

15 min: “Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu.” Mibvunzo nemhinduro. Zivisa musi wegungano redunhu rinotevera, uye kurudzira vose kuti vapinde mazuva ose. Kurudzira vose kuedza chaizvo kukoka vadzidzi veBhaibheri. Kupinda gungano kungaita kuti vakurumidze kuda kusonganirana neungano nguva dzose.

15 min: “Unoonga Kushivirira kwaJehovha Here?” Mibvunzo nemhinduro. Batanidza tsinhiro dzakakodzera pamusoro pomwoyo murefu waJehovha.—Ona Insight, Volume 2, mapeji 263-4.

Rwiyo 75 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 7

Rwiyo 88

10 min: Zviziviso zveungano.

17 min: “Uri Munhu Anonyara Here?” Mibvunzo nemhinduro. Rondedzera chakaitika chiri mu1997 Yearbook, mapeji 43-4.

18 min: “Zvinhu Zvose Ngazviitike Nokuda Kwokuvaka.” Vakuru vaviri vanokurukura nyaya yacho. Verengai ndima imwe neimwe uye magwaro akaiswa. Simbisai nheyo. Simbisai kudiwa kwokunzwisisa pakubata nhau dzebhizimisi kana kuti mari inoshandiswa kuwana purofiti. Dzokororai zano riri muNharireyomurindi yaMarch 15, 1997, mapeji 18-19, 22.

Rwiyo 101 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe